Accessibility links

Breaking News

Vanoongorora Sarudzo Vorumbidza Mafambisirwo Aitwa Sarudzo muKenya


Kenya Election
Kenya Election

Zvizvarwa zveKenya zvapinda musarudzo idzo dzinonzi nevanoongorora mafambisirwo esarudzo dzaitwa murunyararo kunyange hazvo dzanonoka kutanga mune mamwe matunhu nekuda kwedambudziko nemichina yekuvhotesa.

Zvigaro zvanga zvichivhoterwa zvinoti chemutungamiri wenyika, nhengo dzeparamende, maseneta, magavhuna pamwe nevatungamiri vematunhu.

Musarudzo yemutungamiri wenyika, makwikwi makuru anonzi ari pakati pemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaWilliam Ruto nevakambove mutungamiri wehurumende, VaRaila Odinga, avo vari kutsigirwa zvakanyanya nemutungamiri wenyika, VaUhuru Kenyatta.

Sarudzo dzemuKenya idzi dzapawo mukana kuzvizvarwa zvenyika iyi zviri kumhiri kwemakungwa kuti zvikwanise kuvhota kekutanga munhoroondo yenyika iyi zviri munyika dzazvigere, kuchitiwo mukana wepiri kune vari kunze kwenyika asi vari muAfrica.

Zvizvarwa zveKenya zviri munyika gumi nembiri dzinoti Canada, United Arab Emirates, United Kingdom, America, Qatar, South Africa, Germany, Rwanda, Burundi, Uganda, Tanzania neSouth Sudan zvakwanisa kunge zvichipinda musarudzo idzi.

Vamwe vawaniswawo mukana wekuvhota kekutanga imhuri yeVaShona iri muKenya, iyo yakawaniswa magwaro ekuti vave zvizvarwa zvenyika iyi.

Vamiriri vemasangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe neanoona nezvesarudzo muZimbabwe uye vemapato ezvematongerwo enyika varikowo kuKenya uko vanga vachiongorora sarudzo idzi.

Mumwe wevariko ndisachigaro veZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, avo vanoti vagutsikana nemafambisirwo aitwa sarudzo nesangano rinotungamira sarudzo munyika iyi reIndependent Electoral and Boundaries Commission (IEBC), vachiti raratidza kurongeka, zvinokwanisa kudzidzwawo neZimbabwe Electoral Commission.

VaMakoni vatiwo wafadzwa nekuona kuti mauto nemapurisa anga ari munzvimbo dzanga dzichivhoterwa haana kukanganisa kana kupindira mumafambisirwo esarudzo idzi.

Zvichabuda musarudzo zvinotarisirwa kutanga kuziviswa neChitatu.

Vanhu vanosvika mamiriyoni makumi maviri nemaviri vanonzi ndivo vakanga vakanyoresa kuvhora musarudzo dzemuKenya idzi.

Hurukuro naVaAndrew Makoni pamusoro pesarudzo dzeKenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG