Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuti "Chinhu Chedu" Yauraya Nyika: VaRugare Gumbo


VaRugare Gumbo,

Gamba rehondo uye vari nhengo imwe chete yeDare reChimurenga yasara iri mupenyu, VaRugare Gumbo vanoti nyaya yekuti “Chinhu chedu” panyaya yehondo yerusungunuko nekutungamira yauraya nyika.

VaGumbo vaudza Studio 7 kuti zvave kuitwa nevamwe vakarwa hondo yeChimurenga handizvo zvaitarisirwa negamba VaHerbert Chitepo apo vakaumba dare reChimurenga.

Dzimwe nhengo dzainge dziri mudare reChimurenga dzinosanganisira VaHenry Hamadziripi, VaNoel Mukono, VaMathias Gurira, Kumbirai Kangai, Mukudzei Mudzi, Josiah Magama Tongogara, Herbert Chitepo nevamwe. VaGumbo vanoti Dare reChimurenga raishanda kusimudzira mweya wehondo munyika nekupa gwara rekurwisa naro hondo nehurumende yevachena yeRhodesia.

VaGumbo vaudza Studio 7 kuti zvimwe zvaishuvirwa naVaChitepo vakange vari sachigaro wedare reChimurenga handizvo zvave kuitika sezvo vamwe muhurumende varasa gwara.

Vati mazuva ano havachakwabise kana kupa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mazano sezo vakomberedzwa nevanhu vari kuti “chinhu chedu” VaGumbo vati nyaya yezvaitarisirwa pavarwi verusungunuko kuti vasaite huori kana kuti “Leadership Code” yakasendekwa nyika yawana kuzvitonga kuzere sezvo vamwe vakarwa hondo vange voti yave nguva yedu yekudya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG