Accessibility links

Breaking News

Mhuri yeVaShona Iri muKenya Yotarisira Kuvhota Kekutanga neChipiri Kubva Zvayawaniswa Magwaro eKuve Zvizvarwa zveNyika iyi Muna 2020


Mhuri yeVashona iri muKenya. (photo courtesy: Chief Joshua Kimemia)
Mhuri yeVashona iri muKenya. (photo courtesy: Chief Joshua Kimemia)

Mhuri yeVaShona iri muKenya ichange ichivhota kekutanga musarudzo dzenyika dziri kuitwa nemusi weChipiri 09 Nyamavhuvhu 2022, mushure mekupiwa magwaro ekuve zvizvarwa zvenyika iyi.

Mutauriri wemhuri yeVaShona iyi, VaOliver Muregerera, vanoti vari kufara zvakanyanya nekukwanisa kushandisa kodzero dzavo dzevhota sezvimwe zvizvarwa zvemuKenya, vachiti chinhu chakatarisirwa nevanhu vose.

Vabereki vemhuri idzi vakapinda munyika yeKenya vachibva kuZimbabwe makore anodarika makumi matanhatu adarika vakagara pasi pehutungamiri hwakasiyanasiyana, asi hapana akakwanisa kuvapa magwaro aya, kusvikira mugore ra 2020 pavakazocherechedzwa nekupiwa magwaro aya nemutungamiri wenyika, VaUhuru Kenyatta.

Mhuri dzingangoda kusvika kuzviuru zvina dzinonzi dzakakwanisa kunge dzichipiwa magwaro aya.

VaMuregerera vanoti kuwaniswa magwaro uku hakuna kungovapa mukana wekuvhota chete, asi kuti vave kukwanisawo zvakare kuvhura mabhuku ekumabhanga, kukwereta mari kumabhanga, kuenda kuzvikoro zvepamusoro, nezvimwe zvakawanda.

Vanotiwo nekuda kwekuti vave nemagwaro ekuve zvizvarwa zveKenya, vanotarisirawo kuti musarudzo dzichatevera vana vavo vari kuchikoro pari zvino vachazokwanisawo kukwikwidza muzvigaro zvakasiyanasiyana.

OUR LIVES-KENYAN SHONAS-MUREGERERA-SHO-JONGA 06 AUG 2022.mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG