Accessibility links

Breaking News

Nyanduri Cont Mhlanga Anoradzikwa kuLupane Vatauri Vachichema-chema neKusapiwa Ruremekedzo rweGamba reNyika


Cont Mhlanga
Cont Mhlanga

Nyanduri aive nemukurumbira Cont Mhlanga, uyo aizivikanwa nenyaya dzekunyora mitambo nemafirimu, uye akavamba Amakhosi Theatre Production, aradzikwa kumusha kwake kuLupane mubhuku rekwaShabula, muMatshiya Ward.

Kunyange hazvo hurumende yakabatsira nekuvigwa kwake, vatauri vakawanda vataura pakuonekana naCont vanonzi vachemachema nekusaitwa gamba renyika.

Cont akashaya nemusi weMuvhuro svondo rino ave nemakore makumi matanhatu nemana ekuberekwa, uye akasiya mudzimai nevana vatanhatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG