Accessibility links

Breaking News

Dare raMejasitiriti Rinoramba Kutambira Chikumbiro chaVaSikhala naVaSithole Chekuti Vabviswe Pamberi peDare


Nhengo yebato reCCC, Vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala
Nhengo yebato reCCC, Vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala

Nhengo mbiri dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, dzinoti mumiriri weZengeza West muparamende vari vakafanobata VaJob Sikhala pamwe nemumiriri weChitungwiza North muparamende, VaGodfrey Sithole, dzanga dziri mudare dzichinzwa chikumbiro chadzo chekuti dzibviswe pamberi pedare.

Vaviri ava vanga vachipikisa nguva yavatora vachiri muhusungwa vachiti vanofanirwa pamberi pedare nekuda kwekuti mhosva yavari kupomerwa haisi kuburitsa kuti ndivo vakaipara.

Gweta riri kumirira vaviri ava, VaJeremiah Bhamu, vanoti mutongi wedare, VaStanford Mambanje, vati havagoni kushandura mamiriro akaita mutongo wakapiwa kare wekuti varambe vachidaira nyaya yavo mudare.

VaBhamu vanoti vazoisawo chikumbiro chekuti vaviri ava vachipiwa mukana wekubvisiswa mari yechibatiso panyaya yavari kupomerwa yekutanga yekukonzeresa mhirizhonga kuNyatsime, asi muchuchisi ati achazotarisa chikumbiro ichi musi wa 12 mwedzi uno, izvo zvavanoti zvazoita kuti mutongi ati achazonzwa chikumbiro ichi musi wa 15 mwedzi uno.

VaSikhala, VaSithole, pamwe nedzimwe nhengo dzebato reCCC vari muhusungwa kuChikurubi mushure mekusungwa muna Chikunguru vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga zvichitevera mupondwa kwenhengo yebato reCCC, Muzvare Moreblessing Ali.

Hurukuro naVaJeremiah Bhamu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG