Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yovhara Mvura neKushaya Mishonga yeKuichenesa


Kanzuru yeHarare yazivisa padandemutande rayo reTwitter kuti ichambomira kupa vanhu mvura kwemazuva maviri kutanga nezuro ichiti haina kukwanisa kuwana mumwe mushonga wekuchenesa mvura wealminum sulphate uye nechlorine gas.

Kanzuru yati iri kuyedza kugadzirisa dambudziko iri nenguva yayatara. Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mune rimwe sangano revagari reCombined Harare Residents Association kana kuti CHRA VaRuben Akili vaudza Studio 7 kuti nzvimbo zhinji muHarare hadzina mvura. Vatiwo vanhe vave kubhadhara mari kuti vawane mvura kubva kune vane zvibhorani.

VaAkili vati nyaya yekusvibisa mvura inoyererera kuenda kuLake Chivero inopa kuti zvidhure kuchenesa.

Vatiwo kanzuru inofanira kupihwa mari dzayo dzebudiriro yematunhu kana kuti devolution kwete kuti gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vave ivo vanoona kuti mari iyi yashanda sei. Izvi vati zvinozopa kuti kanzuru itadze kupa vanhu kodzero yekuwana mvura yakachena

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG