Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu, 04, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Bato reCitizens Coalition for Change rinoti harisi kufara nemabatirwo emitemo yesarudzo hurumende neZimbabwe Electoral Commission pamberi pesarudzo dza2023.

Zimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN yopa maonero ayo nezvehuwandu hwevanhu vakaenda kunoona kuti mazita avo ari mugwaro revavhoti here.

Mutungamiri wesangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavange vachipomerwa yekuzvidza dare.

Vashandi vemumigodhi votyira kurasikirwa nemabasa nekuda kwekushaikwa kwemagetsi sezvo Zimbabwe iri kutatarika kubhadhara zvikwereti.

Vezvematongerwo enyika vozeya mashoko ekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, ekuti vezvematongerwo enyika vasiyane netsika yekukurudzira mhirizhonga pamwe nekuparidza mashoko anokonzera ruvengo pamberi pesarudzo dza 2023. Munoona zvichiteverwa here izvi nevezvematongerwo enyika vacho?

Muchirongwa cheLivetalk-Women's Round Table na8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekukosha kwekuyamwisa vana vacheche.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG