Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzinoti Kuperevedza kweMapeni eGoridhe Akatengeswa Svondo Rapera Mucherechedzo Wekuti Ari Kutengwa neVane Mari Chete


Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe rakaparura mapeni egoridhe pamusika musi wa 25 Chikunguru, 2022.

Dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti mashoko akaturwa neMuvhuro nagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, ekuti mapeni ane goridhe akatanga kutengeswa svondo rapera akaperevedza anogona kunge aine chokwadi pachitariswa huwandu hwemapeni avakapinza mumusika.

Nyanzvi idzi dzinoti nekudawo kwezvinhu zvakawanda, hurongwa hwekuti mapeni aya abatsire kutsigira hupfumi hwenyika hunogona kutadza kubudirira nekuda kwemabatirwo ari kuitwa mapeni aya pamusika, uye nemutengo waari kutengeswa nawo.

Bhanga guru iri rakazivisa kuti rakangopinza mapeni anokwana chiuru nemazana mashanu chete, achitengeswa nemari inoita madhora chiuru nemazana masere ane makumi mana nerimwe emadhora ekuAmerica, kana kuti US$1841.00 papeni roga roga. Asi zvinonzi mazhinji emapeni aya akatengeswa nemari yemunyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti chinogona kunge chiri chokwadi kuti mapeni aya akaperevedza sezvo ari kutengeswa nemari yemunyika, izvo vanoti zvinoitira nyore vane mari iyi kungoidira pamusika vachitenga mapeni aya.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, vari zvakare mudzidzisi mukuru wezvemabhizimusi paDevry University muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanotiwo vanobvumirana nazvo chaizvo zvekuti akaperevedza, nechikonzero chekuti mari iyi haina kugadzirwa yakanangana nevanhuwo zvavo, asi yakanangana nevane mari dzavo nechakare.

Izvi zvinotsigirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaRejoice Ngwenya, avo vanoti mapeni aya akangogadzirirwa vane mari dzavo, avo vave kunzi nevemazuvano “mbinga”.

VaNgwenya vanoti mashoko aya anogona kunge ari echokwadi, asi zvinonetsa kuatambira pachitariswa nhoroondo yemutumwa akaparidza mashoko aya.

Muzvinafundo Masocha vanotiwo rimwe dambudziko ravakaona nderekuti mune chizivano mukutengeswa kwemapeni aya kumabhanga, vachiti ivo vakatomboedzawo kuti vatenge mari iyi asi vakashaiswa mukana.

Rimwe dambudziko rinonzi rinogona kunge riripo nderekuti hapana kutarwa kuti munhu anokwanisa kutenga mapeni akawanda zvakadii, zvekuti munhu mumwechete ane mari anogona kutongoatenga ose kamwechete.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanotiwo havaoni kuti kutengeswa kwemapeni egoridhe aya kune zvikuru zvakunoshandura mumafambisirwo emari nekuti vanhu vaingotenga mari yekunze ndivo zvakare vave kutenga mapeni egoridhe aya.

Asi vanoona here mapeni aya achigadzirisa dambudziko rekukwira kwemitengo yezvinhu munyika? VaKuchera vanoti kunze kwekunge vanhuwo zvavo vave kukwanisawo kutenga mapeni aya uye kuti pange paine nhaurirano nemapoka ose, matambudziko akatarisana nevanhu pari zvino acharamba ariko.

Studio 7 yakundikana kubata Doctor Mangudya kuti tinzwe zvizhinji panyaya iyi. Asi mumashoko avo kuvatori venhau neMuvhuro, Doctor Mangudya vakazivisa kuti svondo rino bhanga guru riri kudira zvakare mamwe mapeni zviuru zviviri zvichange zvichitengeswa kumabhanga nemimwe misika iri kushandiswa kutengesa mari idzi.

Hurumende inoti yakatora danho iri seimwe yenzira dzairi kuita dzekuedza kudzikamisa hupfumi hwenyika pamwe nekusunga inflation.

Asi nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti kunze kwekunge mapeni aya ave kukwanisa kutengwa neveruzhinji, vakawanda hapana chikuru chichashanduka, zvichireva kuti inflation icharamba ichikwira, mitengo yezvinhu ichiita chamurambamhuru, ukuwo dhora remunyika richiramba richishaya simba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG