Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu, 02, 2022


Shona Headlines

Nhengo dzeparamende dzebato reCitizens Coalition for Change VaJob Sikhala, Zengeza West, naVaGodfrey Sithole, Chitungwiza North dzange dziri mudare nhasi kuti dzipihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso asi mapurisa ange akapakatira zvombo adzinga vatsigiri vebato iri vange vauya kuzovatsigira.

Dare repamusoro reHigh Court nemusi weChina riri kutarisirwa kupa mutongo waro panyaya yekuti mutungamiri wesangano revarairidzi VaObert Masaraure vave nemazuva makumi maviri nemashanu vari mutirongo vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Sachigaro wevechidiki mubato reCCC kuChitungwiza South VaEphrage Gwavava vanonzi vatorwa nevanhu vange vachizviti mapurisa ekuDema mangwanani.

Nhengo yedare reparamende yeZanu-PF VaSoul Ncube vopomerwa mhosva yekutyora mutemo nekutumira padandemutande reWhatsApp mufananidzo wavo vakatsika mumwe mukadzi pachipfuva vakabata pfuti vachiti ainge ari mumotokari yavo yainge yabiwa.

Kunetsana pakati pehurumende nemasangano akazvimirira oga panyaya yebhiri rekuvandudza mashandiro avo yoenderera mberi.

Nyanzvi dzezvehupfumi dzopa maonero adzo pamashoko agavhuna vebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, ekuti mari yesendi ane goridhe, kana kuti gold coins, yakatanga kutengeswa svondo rapera yakaperevedza.

Muchirongwa Chevechidiki cheThe Connection na 8 pm tiri kutaura nevechidiki nezvemashoko esangano reZimbabwe Human Rights Commission ekuti vanhu vasataure mashoko ekunyomba kana kukonzera mhirizhonga apo nyika yatarisana nesarudzo gore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7 pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG