Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kutarisirwa manheru ano kuti vaudze nyika yavo kuti mauto enyika yavo akauraya mutungamiri wechikwata chinopfurikidza mwero cheAl Qaida, Ayman al- Zawhri.
Bepanhau rePolitico rinoti Al Zawhri akaurayirwa muAfghanistan ure rataura nevanhu vane ruzivo nenyaya iyi.
Al- Zawhri anonzi akaurayiwa mukupera kwesvondo nendege yemhando tepamusoro soro yedrone inenge isina mutyairi.
America yage yave nemakore ichimutsvaga kubva zvaakatanga kutungamira chikwata ichi pakaurayiwa Osama Bin Laden miPakistan.
Facebook Forum