Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshorwa neKutadza Kutorera Matanho Mauto Akapfura Vanhu musi wa1 Nyamavhuvhu, 2018


Zimbabwe National Army
Zimbabwe National Army

​Zimbabwe nhasi iri kurangarira kusvika kwemakore mana kubva mauto apomerwa mhosva yekupfura vanhu vairitidzira nevamwe vaizvifambira zvavo muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu 2018,

Vanhu ava vairatidza kusafara kwavo nekunonoka kwekuburitswa kwezvainge zvabuda musarudzo kwavanoti kwaiitwa neZEC.

Vanhu vatanhatu vakapfurwa vakafa nemauto vamwe vakakuvara. Mutauriri webato reCitizens Coalition Muzvare Fadzayi Mahere vaudza Studio 7 kuti nyaya yekupfurwa kwevanhu nemauto watova mugariro kubva VaMnangagwa zvavatora chigaro sezvo muna Ndira 2019 vamwe vanhu vakaurayiwawo zvekare.

Vati kusasungwa kwevakapara mhosva idzi kunoratidza hunhu hwaVaMnangagwa hwekusada kukumbira ruregerero. Vatiwo zuva ranhasi rinoyeuchidza vanhu kuti zvakakosha kuvandudzo mashandiro esangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze uye hurumende dzakaita sedzeAmerica nedzimwe dziri kumawirira vakakurudzira kuti nyaya iyi iongororwe. VaMnangagwa vakadoma komisheni yaitungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Monthlante kuti vaongororore nyaya iyi vach

ivimbisa kuti vaizotambira zvose zvinenge zvabuda mukuongororwa kwezvakaitika. Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoti hurumende yatadza kupodza maronda evanehama dzakafa kana kukuvara musi wa 1 Nyamavhuvhu sezvo pasina kana mumwe chete akasungwa.

Hurukuro na Kennedy VaMasiye
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG