Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Nyamavhuvhu, 1, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Cont Mhlanga akaita mbiri nenyaya dzemitambo uye akavamba Amakhosi Theatre Production ashaya mangwanani anhasi kuBulawayo.

Makurukota ehurumende osangana nevashandi kuyedza kuzeya nyaya dzemihoro.

Nyika yosvika makore mana kubva zvakaurayiwa vanhu nemauto muHarare mushure mesarudzo asi hurumende isina kuzadzikisa zvayakavimbisa kuripa nekuvandudza.

Vashandi vemumigodhi vochema chema kuti kudzimwa kwemagetsi kuri kutaurwa neZESA kuchapa kuti vagumurwe mabasa.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nezvirwere zvepabonde kana kuti maSTI hwoderera muHarare.

Muchirongwa chedu cheLive Talk na 8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yezvakabuda munyaya yekuverengwa kwevanhu kana kuti census.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG