Mutauriri weZimsec Muzvare Nicky Dhlamini vanoti kanzuru yavo yavawedzera nguva yekuti vana vabhadhare mari yekunyora bvunzo dzeGrade 7, O ne Alevel.
Izvi zvinotevera kuchema chema kwevabereki kuti vainge vapihwa nguva pfupi yekuti vabhadhare. ZIMSEC inoti yawedzera nguva kusvika muna 1 Nyamavhuvhu kusvika musi wa 5 Nyamavhuvhu.
Vabereki vakawanda nekuda kwehurombo vakatadza kubhadhara mari dzechikoro musi wa 29 Chikunguru wainge watarwa sezuva rekupedzisira.
Muzvare Dhlamini vaudza Studio 7 kuti vabereki vanofanira kubhadhara madhora emunyika mazana mana nemakumi masere nemasere kana kuti ZWL488 kana kuti dhora US$1.
Asi vachitaura neStudio 7, mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe Dr Takavafira Zhou vati mazuva aya mashoma zvikuru kuvabereki vari kumamisha vari kunetseka kuwana mari dzekubhadhara. Vati hurumende inofanira kuvabatsira.
Facebook Forum