Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vonanga kuZambia neMozambique Kuno Kwereta Magetsi


Mutungamiri wenyika yeZambia vaHakainde Hichilema
Mutungamiri wenyika yeZambia vaHakainde Hichilema

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarirwa vhiki rino kuti vaende kuMozambique nekuZambia kuti vanokumbira nyika idzi kuti dzibatsire Zimbabwe nemagetsi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vari kuyambira kuti uku kunogona kunge kuri kungopedza nguva sezvo nyika idzi dzakabuda pachena kuti dziri kuda mari pamberi sezvo kambani yemagetsi yemunyika yeZESA yave nemakore akawanda ichitatarika kubhadhara zvikwerei kunze.

VaMnangagwa vazivisa nezvenzedo idzi mumashoko avanyora mubepanhau reSunday Mail sezvavanoita mavhiki ose. ZESA yakaita chibvumirano neZambia Electrcity Supply Corporation Limited kana kuti ZESCO asi ZESA inofanira kubhadhara madhora mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana matatu pamwedzi kana kuti US$6,3 million.

Gurukota rezvemahando dzemoto muZambia VaPeter Kapala vakaudza vatori venhau kuti magetsi avari kutengesera Zimbabwe neNamibia ari kubva pagwenya reKafue Gorge.

ZESA inotiwo yakaita chibvumirano chekutenga magetsi anosvika 300 megawatts neHydro Cahora Bassa yekuMzambique.

Sachigaro weZESA VaSydney Gata vakazivisa mutsamba kuvakuru vemakambani emigodhi kuti havachakwanise kuvawanisa magetsi sezvo Zkambani yavo iri kutadza kubhadhara zvikwereti kuSouth Africa, Zambia neMozambique.

ZESA inoda mari inosvika mamiriyoni gumi nemanomwe kana kuti US$17 milllion pamwedzi kuti itenge magesti kunze.

Vanhu nemakambani emunyika vanonzi vane chikwereti kuZESA chinosvika mamiriyoni makumi matanhatu nemaviri kana kuti US$62 million.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG