Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Inowedzera Mukana weMukombe weCastle Lager Premier Soccer League, Ukuwo Chikwata cheNyika cheCricket Chadambura Bangladesh


Castle Lager Premier Soccer League.

Chikwata cheFC Platinum chavhura mukana mukuru pakati pacho nezvikwata zviri kuchitevera patafura yeCastle Lager Premier Soccer League, musi mumwechetewo chikwata chemutambo we kiriketi chemaChevrons chakunda zvinodadisa mumutambo weT20.

FC Platinum yarova Harare City 2-0 ndokuwedzera mapoinzi ayo iri pamusoro petafura kusvika pamasere pamusoro peChicken Inn, iyo yaita mangange 0-0 apo yashanyira ZPC Kariba kuNyamhunga Stadium.

Kukunda uku kwasiya Kugona Kunenge Kudada yave nemapoinzi makumi mashanu, mapoinzi gumi nerimwechete zvekare pamusoro peDynamos iyo iri pachinhanho chechitatu.

Kunyange hazvo Dynamos iri kutamba neBulawayo Chiefs neSvondo, vakawanda vanotevera nhabvu munyika vanoti mukaha wavepo pakati peFC Platinum kune rimwe rutivi, neChicken Inn neDynamos wakurisa zvekuti hauchavharika.

Asi murairidzi wemutambo uyu, Mugova Benjamin, ari kuramba mafungiro aya achiti nhabvu yakafanana nekumhanya nzendo refu zvekuti atungamira hazvireve kuti ndiye akunda.

Asi FC Platinum haisiriyo yega iri murufaro asi Caps United zvekare iyo yashanya kuGweru ndokunotora mapoinzi ese matatu mushure mekunge yarova Hwahwa 2-1.

Hwahwa yaramba iri pasi pasi petafura nemapoinzi gumi nemasere musi uyo zvikwata zvemauto eZimbabwe National Army, zveBlack Rhinos neCranbourne Bullets, zvasangana Rhinos ndokukunda 1-0.

Uyu wanga uri mutambo wekutanga waStanford Stix Mtizwa kurairidza Rhinos zvichitevera kudzingwa basa kwaHebert Marowa pakati pesvondo.

Herentals yarovawo Bulawayo City 1-0 muBarbourfields Stadium.

Pamusoro pamutambo weDynamos, mangwana Highlanders ine Tenax muBarbourfields, Manica Diamonds neYadah dzichivhara musangano nemutambo muVengere.

Totarisa mutambo wekiriketi. Chikwata cheZimbabwe chasimudzira gadziriro yacho yeT20 World Cup zvine mutsindo mushure mekurova vashanyi veBangladesh nemaranzi gumi nemanomwe muHarare Sports Club nhasi masikati.

Chikwata ichi chiri kutenda maranzi abva kuna Wesley Mandevere uyo akanda makumi matanhatu nemanomwe (67), Sikandar Raza uyo akanda makumi matanhatu nemashanu (65) naSean Williams uyo abuda nemaranzi makumi matatu nematatu (33) kuti Zimbabwe isvike pamaranzi mazana maviri nemashanu (205)

Asi Bangladesh yatadza kusvika kana kudarika maranzi eZimbabwe aya ndokukwanisa maranzi zana nemakumi masere nemasere (188) chete.

Izvi zviri kureva kuti Zimbabwe yatungamira 1-0 mumakundano ane mitambo mitatu aya.

Mumwe mutambo weT20 pakati pezvikwata izvi uriko mangwana, mitambo iyi ichizopera nemusi weChipiri svondo rinouya.

Bangladesh neZimbabwe dzichasangana zvekare mumitambo mitatu yezuva rimwe iyo ichatanga musi wa 5 Nyamavhuvhu.

Bangladesh ikapedza mitambo yayo, India iri kuuyawo kuZimbabwe kumitambo yemaT20 neyezuva rimwe zvekare.

Zimbabwe iri kushandisa mitambo iyi kugadzirisa Chikwata chayo cheT20 World Cup iyo iri kuitirwa kuAustralia kubva musi wa16 Gumiguru kusvika musi wa13 Mbudzi.

Murairidzi wemutambo wekiriketi, Leonard Nhamburo, anoti nzira yegadziriro yatorwa neZimbabwe yakanaka zvikuru.

Zimbabwe iri mugungano rimwechete ne Ireland, Scotland neWest Indies kumafainari eT20 World Cup.

SPORTS - KARIATI 7.30.2022.mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG