Madzimai akazvitakura anonomirira kusununguka ari pakiriniki yeTengwe kuHurungwe mudunhu reMashonaland West, anonzi ari kuona nhamo yekutakura mvura yekushandisa kwemakiromita anogona kudarika maviri kubva kuchibhorani kusvika panzvimbo yavanenge vakamirira kuti vasununguke kana kuti 'mother's shelters' nekuda kwedambudziko remvura.
Senzira yekuderedza huwandu hwemadzimai anosununguka asina vananyamukuta vakadzidzira basa ravo kana vakoti, madzimai anenge ave pedyo nekusununguka anouya kuzogarira pakiriniki yeTengwe
Mumwe mudzimai asina kuda kuzivikanwa nezita sezvo ati haadi kuchenjedza nyamukuta iye achada kuzvara, anoti nzvimbo iyi, inozivikanwa nezita rekuti 'matumba' haina mvura.
Mudzimai uyu anoti vanofamba mufambo unosvika makiromita maviri kuenda pachibhorani chiri pedyo kunochera mvura.
Mudzimai uyu anoti rimwe dambudziko nderekuti imba yavanogara vakamirira kusununguka idiki, uye hapana magetsi zvekuti vanosununguka usiku vanosunungukira murima kana pasina mwenje wembozhanhare kana marambe.
Mudzimai uyu anoti mamwe matambudziko avanosangana nawo anosanganisira kushaya zvekudya pamwe nezvekushandisa pakusununguka zvakaita sedonje, reza nesipiriti.
Izvi zvinotsigirwa nenhengo yekomiti yezvehutano pakiriniki iyi, VaAnyway Sande, avo vanotiwo dambudziko remvura rakakura uye zvimbuzi zvishoma.
VaSande vanoti vanoda kuti vawedzere kuvaka nzvimbo iyi asi havana mari yacho.
Panonziwo pane dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwevarwere navanamukoti, iro rinonzi harisi kumadzimai akazvitakura chete, asi kune avo vose varwere vanoenda pakiriniki iyi, sekutaura kwemumwe mugari wekuTengwe, VaRichard Kuzanga.
Asi mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reHurungwe, Doctor Munyaradzi Chidaushe vanoti vanoshanyira kiriniki yeTengwe kakawanda asi havasati vambpirwa zvinyunyuto zviri kusimudzwa nevagari zvichipomerwa vakoti izvi.
Asi VaKuzanga vanoti vanga vasati vasvitsa nyunyuto dzavo kubazi rezvehutano nekuda kwekusaziva kuti vanofambisa sei zvinyunyuto zvavo.
Doctor Chidaushe vanotiwo kunyange hazvo kiriniki iyi iri yekanzuru yeHurungwe, vanoziva nezvematambudziko emvura nemamwe aripo sezvo vaine vashandi vavo pakiriniki iyi.
Doctor Chidaushe vanoti zvakakosha kuti vanhu vose, vagari, kanzuru pamwe nebazi rezvehutano, vaise misoro pamwechete sezvo kiriniki iyi iri yeveruzhinji.
Nzvimbo dzinogara madzimai akazvitakura akamirira kusununguka dzakawanda mudunhu reMashonaland West hadzina zvikwanisiro zvakakwana.
Facebook Forum