Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Chikunguru 29, 2022


Shona Headlines

Vashandi vesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCrisis in Zimbabwe Coalition, votya kuenda kubasa zvichitevera kutyisidzirwa kwavanonzi vakaitwa nezuro mushure mekunge motokari nhatu dzebato reZanu PF dzapakwa panze pemahofisi avo vanhu vaive mumotokari idzi vakaedza kupinda nechisimba mumahofisi.

Asi bato reZanu PF rinoti manyepo ekuti vashandi vesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition vari kutyisidzirwa richiti harina kana chingaita kuti rivhundutsire vashandi vesangano iri.

Mapato ezvematongerwo enyika otaura pamusoro pekutyisidzirwa nerufu kwemutungamiri webato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change VaNelson Chamisa nemhuri yavo nenhengo yeZanu PF, VaAbton Mashayanyika, avo vanonzi vave kuferefetwa nemapurisa.

Nhasi ndiro zuva rekupedzisira rekuti vana vari kunyora bvunzo gore rino vange vabhadhara mari dzebvunzi idzivana vechikoro vachityirwa kuti vanogona kutadza kubhadhara nekuda kwekuti vabereki vavo havana mari.

Bazi redzidzo yepasi rinoti riri kuzviziva kuti vana vakawanda vachatadza kubhadhara mari dzebvunzo idzi nhasi richiti richaona kuti pangaitwa sei kuti vana vese vakwanise kunyora bvunzo dzavo gore rino.

Vamwe vashandi vehurumende vakaverenga vanhu munyika pasi pechirongwa cheCensus vochemachema kuti havasati vabhadharwa mari dzavo dzebasa ravakaita mwedzi mitatu yapfuura, vachityira kuti pavanozobhadharwa dhora remunyika rinenge risisina simba.

Madzimai akazvitakura kuTengwe kuHurungwe mudunhu reMashonaland West oona nhamo yekutakura mvura yekushandisa kwemakiromita maviri kubva kuchibhorani kusvika panzvimbo yaanenge akamirira kusununguka kana kuti 'mother's shelters' iri pakiriniki yeTengwe.

Muchirongwa chedu cheLive Talk na 8:00pm, nhasi tiri kutarisa nezvenyaya yemhirizhonga pamwe nekutyisidzirwa nevebato riri kutonga reZanu PF pamwe nehurumende kunonzi kuri kuitwa nhengo dzemapato anopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG