Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 28, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube voparaura nhasi hurongwa hwavo hwekuzeya mashandiro aita bhajeti ravo kusvika parizvino kana kuti Mid Term Budget Review.

ZESA youdza sangano rinomiririra vezvemigodhi reChamber of Mines kuti haichakwanise kuvawanisa makambani ezvicherwa aya magetsi.

Vatsigiri vebato reCitizens Coalition for Change vanoti kuMashonaland Central newest kwaberekera ingwe sezvo vave kushungurudzwa nebato reZanu-PF. Vakuru vebato reZanu-PF vanoti anoita mhirizhonga achatakuta muchichikwa wake.

Mugakava redu ranhasi, nevezvematongerwo enyika vozeya nezvekushungurudzwa kunonzi kuri kuitwa venhengo dzemapato anopikisa, zvikuru dzeCitizens' Coalition for Change, kumaruwa, dzichimanikidzwa kusarenda mbatya dzebato kana kunyimwa chikafu nekutyisidzirwa kuti dzichadzingwa mumisha yadzigere.

World Food Programme yoita hurongwa hwekubatsira nezvekudya vanhu vanodarika mamiriyoni makumi mana nemapfumbamwe nezviuru mazana mapfumbamwe vatarisana nenzafra inotyisa muSADC kusanganisirawo muZimbabwe.

Muchirongwa chedu cheLive Talk, Women’s Round Table, tiri kutaura nezvenyaya yemadzimai ari kuredzwa achinyeperwa kuti ari kuenda kumabasa anopa mari yakawanda kunyika dziri muMiddle East dzakaita seKuwait, Oman neSaudi Arabia.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG