Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votadza Kutevedzera Kurudziro yeKuramwa Mabasa


zimbabwe doctors strike
zimbabwe doctors strike

Vashandi vehurumende vakawanda nhasi vanga vari kumabasa munyika yose kunyange hazvo rimwe remasangano anomirira vashandi ava reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, kana kuti Zicopstu, ranga raita kurudziro yekuti vashandi varamwe mabasa nhasi nemagwana pamusana pekushomeka kwemari dzemihoro.

Ongororo yaitwa neStudio muHarare yaratidza kuti mahofisi ehurumende mumapazi akasiyana-siyana, zvikoro pamwe nezvipatara zvanga zvizere vashandi zvisineni nekurudziro yakaitwa nesangano reZicopstu yekuti vasaende kumabasa kwemazuva maviri kutanga nhasi.

Mune mamwe maguta akaita seBulawayo, Chinhoyi, Gweru, Mutare neMasvingo zvinonziwo zvange zviri zvimwechetezvo kunyangwe hazvo vamwe vashandi vashomanana vasina kuenda kumabasa.

Mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti varairidzi vange vari muzvikoro.

Mumwe mushandi wehurumende wemuHarare uyo aramba kudomwa nezita nekuti haabvumidzwe kutaura nevatori venhau ati aenda kubasa sezvo achityira kuti anozobvisirwa mari kupera kwemwedzi kubva pamari shoma yaagara achitambira.

Asi murongi wemisangano musangano reZicopstu, VaCharles Chinosengwa, vatiwo vafamba muzvikoro zvakawanda vakaona kuti varairidzi vane chitsama havana kuenda kumabasa.

Asi vatenda kuti vashandi vazhinji vaenda kumabasa vachipomera vazhinji vevaenda kubasa ava mhosva yekuita zvehuori munzvimbo dzavanoshandira kuitira kuti vawane cheuviri sezvo mari dzavari kutambiriswa nehurumende dzisiri kuvakwanira pakuraramisa mhuri dzavo.

Mutungamiri werimwe remasangano evarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vati vashandi vehurumende vanofanira kutambiriswa nemari yekuAmerica uye hurumende haifaniri kungobvisira vashandi mari pasina tsanangudzo dzakakwana.

VaZhou vati vane tarisiro yekuti hurumende ichagadzirisa nhuna dzevashandi vayo kunyange hazvo vashandi vakawanda vaenda kumabasa nhasi.

Studio 7 yabatawo gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima avo vati nhaurirano dzinofanira kuenderera mberi pakato pevashandi nehurumende.

Nekune rumwe rutivi vashandi vehurumende vanotiwo hapana chiri kubuda kunhaurirano dzavari kuita kuNJNC uye vanoti kana vapedza hurongwa hwavo hwekuramwa mabasa kwemazuva maviri huchapera mangwana vachazokanda mapadza pasi zvachose muna Gunyana kana hurumende ikaramba yakaisa zvimiti munzeve isingavawedzere mari dzemihoro.

Hurumende yakawedzera vashandi vayo mari nezvikamu zana kubva muzana mwedzi uno asi vashandi vanoti hurumende yakaita zvemusoro wayo isina kubvumirana anvo uye mari yavakapihwa haisi kuvakwanira pakatariswa kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika.

Panyaya yekupa vashandi mari nemadhora ekuAmerica, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakati hurumende haina mari yacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG