Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 27, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vashandi vehurumende vakawanda voenda kumabasa kunyangwe vange vati vari kuzotanga kuramwa mabasa nhasi vachinyunyuta nemari yemuhoro.

Bhiri rekuvandudza mutemo wemashandiro emasangano akazvimirira oga riri kushorwa neUnited Nations nemasangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze roendeswa kudare reparamende.

Meya weHarare VaJacob Mafume vanoti vachanetsana negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kana vakapa kambani yeGeogenix BV mari kubva muhomwe yemari dzinoendeswa kumatunhu kana kuti devolution kubhadhara chikwereti chekuPomona Dump Site.

Studio 7 yotarisa nezvedambudziko revanhu vakarumwa nemapere kuMasvingo.

Muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naMuzvare Tabitha Dhliwayo, vanove muridzi wechitoro chinorukwa misoro pamwe nekutengesa zvinodiwa mukugadzirwa misoro, che Golden Hour Salon, chiri mukati meguta rePretoria, muSouth Africa.

Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum na 8 pm, tiri kuita hurukuro nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika nezvekuratidzira kwevashandi vehurumende uye nyaya yekukuridzira kuvandudzwa kwemitemo yekuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG