Accessibility links

Breaking News

Zimstats Yoburitsa Huwandu hweVanhu Vave muNyika


Zimbabwe Census
Zimbabwe Census

Zimbabwe National yaburitsa zvakauda muongororo yehuwandu hwevanhu vari munyika unoitwa kwapera makore gumi kana kuti census. Zvabuda zvinoratidza kuti huwandu hwevanhu munyika hwakawedzera nezvikamu zvinodarika gumi nezvitanhatu kubva muzana kana kuti 16, 2%.

Huwandu hwevanhu hwakawedzera kubva pamamiriyoni gumi nematatu nezviuru makumi matanhatu nechimwe zvine mazana mana nemakumi maviri nerimwe kana kuti 13, 061, 421 muna 2012 kusvika pamamiriyoni gumi nemashanu ane zviuru zana nemakumi manomwe nemasere ana mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe vevapfumbamwe kana kuti 15, 178, 979 million muna 2022.

Madzimai ndiwo akawandisa ari mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana manomwe nemakumi masere nemazana manomwe kana kuti 6, 780, 700, varume vanosvika mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana maviri zvine makumi masere nemazana mashanu nemakumi matatu nevapfumbamwe kana kuti 6, 280, 539.

Guta reHarare ndiro rine vanhu vakawandisa munyika yose vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana kana kuti 2,2 million.

Bulawayo ndiro dunhu rine vanhu vashoma vanodarika zviuru mazana matanhatu nemakumi matanhatu nemashanu kana kuti 665 000.

Mutauriri weZimstats Amai Mercy Chidemo vaudza Studio 7 kuti vange vachiri vakabatikana nekudaro vange vasingakwanise kutaura nezve nyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG