Accessibility links

Breaking News

''VaMnangagwa Vari kuita Mhoni neKekucheka Maribbon, Hatina Nguva yeKurwa:" VaMutsvangwa Voramba kuti Bato Ravo Rakarova veCCC kwaMutoko.


Mumwe mutsigiri weCCC akarohwa kwaMutoko
Mumwe mutsigiri weCCC akarohwa kwaMutoko

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vari kuramba mashoko ekuti bato ravo riri kukurudzira vatsigiri varo kuti vaite mhirizhonga.

Izvi zvinotevera mashoko ebato rinopikisa ekuti kwaMutoko muMashonaland East kwaberekera ingwe mushure mekurohwa zvakaipisisa kwenhengo dzebato iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzai Mahere vaudza Studio 7 kuti mapurisa anoregedza nhengo dzeZanu-PF dzichiita madiro aJojina zvekuti kunyangwe vakamhan’ara hapana anosungwa.

Asi muturiri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti mapurisa haatarise kuti wabuda mumba maani.

Muzvare Mahere vanoti nhengo dzebato ravo dzikangofungidzirwa kuti dzapesvedzera mhirizhonga dzinosungwa asi veZanu-PF vanenge vachipomerwa mhosva dzekuponda chaidzo vanopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti zvakakosha kuti paitwe nhaurirano pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue kana kuti POLAD.

Asi mapato anopikisa makuru akaita seCCC neMDC Alliance ari kuramba kupinda munhaurirano idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG