Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yotatsurana neChicken Inn muMutambo weCastle Lager Premier Soccer League Isina Vamwe Vatambi Vayo Vane Hunyanzvi


Chikwata cheDynamos
Chikwata cheDynamos

Chikwata chenhabvu chine mukurumbira cheDynamos chiri munzira kuenda kuBulawayo kunosangana neChicken Inn chisina vatambi vacho vashanu vane mukurumbira.

Svondo rimwechete ichangobva kusangana neFC Platinum iyo iri kutungamira gungano iri, Dynamos yatarisana nerimwe gomo rine mukwidza apo iri kunanga kuBulawayo kunosangana neChicken Inn, iyo iri pachinzvimbo chechipiri patafura ye Castle lager Premier Soccer League.

Vachitarisa matambiro ari kuita zvikwata zviviri izvi, vaongorori vemutambo wenhabvu havasi kupa Dembare kana kamukana zvako kekunokunda muBarbourfields Stadium neMugovera.

Pamusoro pezvo, Dynamos ichange isina vatambi vayo vashanu vane mbiri, vanoti Bill Antonio, uyo ari kuBelgium uko ari kutsvaga basa, pamwe naShadreck Nyahwa, King Nadolo, Brendon Mpofu naRalph Kawondera, avo vakakuvara.

Muteveri wemutambo wenhabvu VaTinotenda Kanyama vanoti Dynamos haimire mumutambo wezvikwata zviri kurwira kutora mukombe izvi.

Asi muraridzi wechikwata ichi Tonderai Ndiraya haasi kutarisa zvese izvi achiti vari kugadzirira zvakasimba kuti vafadze vatsigiri venhabvu kwete veDynamos chete.

Chicken Inn neDynamos dzakasonana neFC Platinum iyo ine mutambo usina kunyanya kuoma pamusha neZPC Kariba.

Chiri kunakidza ndechekuti, zvikwata zvese zvitatu zviri kutungamira gungano iri zviri kutamba mangwana, zuva rimwechete Cranbourne Bullets iine Harare City muVengere Stadium.

Ukuwo, Yadah iri muNational Sports Stadium neNgezi Platinum Stars iyo iri kurairidzwa naBenjani Mwaruwari uyo akaita mukurumbira mhiri kwemakungwa.

Ngezi haisi kufambirwa nezvinhu zvakanaka zvekuti iri pachinhanho chechisere, mapoinzi gumi nemana pasi peFC Platinum.

Asi mutambi wechikwata ichi Leslie Kashitigu anoti vatsigiri vavo vasaore mwoyo nekuti mufaro uri munzira.

Mitambo iri kuenderera mberi neSvondo apo zvikwata zvemuBulawayo, Highlanders neBulawayo City, zviri kusangana muBarbourfields Stadium.

Zvikwata zviviri izvi zviri kufamba nzira dzakasiyana, Highlanders ichida kukwira kudenga kurwira mukombe, Bulawayo City ichida kupunyuka kubva mumadhaka mairi.

Mumwe mutambo mukuru zuva iri uri muNational Sports Stadium apo pari kusangana Caps United neManica Diamonds, tisingakanganwe Triangle neBlack Rhinos pamwe neTenax neBulawayo Chiefs.

SPORTS PACKAGE-RAIN-KARIATI-SHO 22 JULY 2022.wav
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG