Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu, Chikunguru 22 2022


Misoro yenhau dzeShona
Misoro yenhau dzeShona

Vashandi vehurumende vanoita musangano wabuda nechisungo chekuti vamboramwa mabasa hwemazuva maviri svondo rinouya vachimirira kuona kana hurumende ichigadzirisa zvinyunyuto zvavo zvemihoro, kukundikana voramwa mabasa kwenguva yakareba.

Dare redzimhosva rinorasa chikumbiro chesangano reCrisis in Zimbabwe chekuti danho remapurisa rekurambidza kuratidzira kwevanhu kwanga kwakarongwa kuitwa nhasi risendekwe parutivi.

Hurumende inovimbisa zvakare kuti ichaferefeta nyaya dzose dziri kupomerwa mamwe makambani ezvizvarwa zvekuChina zviri kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevashandi.

Zimbabwe yokurudzirwa kudzika mitemo yakasimba inobatsira mukuderedza kumbunyikidzwa kwevanhu vachishandiswa kana kuendeswa kwavasingadi. (Human Trafficking).

Chikwata chenhabvu chine mukurumbira cheDynamos chopinda munzira kuenda kuBulawayo kunosangana neChicken Inn chisina vatambi vacho vashanu vane mukurumbira.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8 pm nhasi, tiri kutarisa nezvehurongwa hwevashandi vehurumende hwekuda kuratidzira svondo rinouya, pamwe nekurambidzwa kwesangano reCrisis in Zimbabwe Colaition nemapurisa kuratidzira nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG