Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vodaidzira Musangano neVatungamiri veAfrica Asi Vakawanda Vanoti VaMnangagwa Havaone Vachikokwa


VaJoe Biden nemutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta
VaJoe Biden nemutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakazivisa nezuro kuti hurumende yavo ichaita misangano nevatungamiri venyika dzeku Africa musi wa13 kusvika musi wa 15 Zvita gore rino muguta reWashington DC.

VaBiden, mutsamba yavo yavakanyora nezuro , vakati misangano iyi icharatidza kuti hurumende yeAmerica ine chido chekushanda nenyika dzese dzemuafrica munyaya dze kodzero dzevanhu, kupedzwa kwe denda reCovid 19, nemamwe matenda achauya, kudzivirirwa kwematunhu uye nyaya dzeku chinja kwe mamiriro ekunze.

Hazvisati zvajeka kuti vatungamiri vachakokwa ndevenyika dzipi asi vakawanda vanoti havatarisire kuti mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa vakatemerwa zvirango zvehupfumi neAmerica vachakokwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University kuSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza vati havaone havo VaMnangagwa vachikokwa kumusangano wakakosha uyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG