Accessibility links

Breaking News

Dare Roramba Kurasa Nyaya yaVaSikhala Kunyangwe Magweta Avo Achiti Hapana Humbowo Hwekuvaroverera


MP Sikhala in court

Dare ramejastiriti muHarare nhasi raramba chikumbiro chevakafanobata chigaro chasachigaro webato reCitizens Coalition for Change vari mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala chekuti vasatongerwe mhosva yekuti vakayedza kuvhiringidza kuferefetwa kwenyanya nekuburitsa vhidhiro yemanyepo nezverufu rwaMuzvare Moreblessing Ali nhengo yebato iri yakapondwa kuNyatsime.

VaSikhala ndivo gweta remhuri ywaMuavzre Ali. Asi gweta raVaSikhala Amai Beatrice Mtetwa vaudza dare kuti iyi imhosva iri kungobikwa nevachuchusi nemapurisa.

Vanoti vachuchusi havana kana kutoburitsa vhidhiyo yacho iri kutaurwa mudare sehumbowo kana kuti VaSikhala ndivo vakaiburitsa pamadandemutande. Amai Mtetwa vati imwe vhidhiyo iri paYou Tube yakaiswapo VaSikhala vari mutirongo.

Asi muchuchusi VaTafara Chiramba vati nyaya yekuti varti kufungidzirwa chete inopa kuti zvikodzere kuti vamiswe pamberi pedare.

Mutongi wedare VaStanford Mambanje vawirirana nevachuchusi. Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoti vanotederena naAmai Mtetwa kuti VaSikhala vaisafanira kumiswa pamberi pedare nenyaya yakadai.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG