Accessibility links

Breaking News

Vakaputsirwa Dzimba kuMazowe neMapurisa Kuti Amai Mugabe Vapihwe Purazi Voripwa


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Vagari vakaputsirwa dzimba dzavo nemapurisa papurazi reArnold Farm kuMazowe richida kutorwa nevaive mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe vanzi nedare varipwe nehurumende.

Mhuri makumi maviri nemaviri dzakaputsirwa midziyo dzanzi dzipihwe mari inosvika zviuru makumi matatu zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$30, 000. Mapurisa akaputsira vanhu ava midziyo yavo muna Kurume 2017.

Vakaendeswa kumatare igurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga nemukuru wemapurisa kuMazowe.

Vakaputsirwa dzimba nemidziyo vange vachimirirwa negweta Muzvare Idirashe Chikomba vesangano reZimbawe Lawyers for Human Rights.

Muzvare Chikomba vaudza Studio 7 kuti vakaputsira zvinhu zvavo ava vakatambira nemufaro mutongo wakapihwa nedare uyu vachiti zvakakosha kuti mutemo utevedzerwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG