Accessibility links

Breaking News

Madzimai Osungunukira Panze peMakirinika eKanzuru yeHarare Ayo Ovharwa neKushaya Mari neVakoti


Kanzuru yeHarare inoti kushaikwa kwemari pamwe nekusiya basa kuri kuita vakoti kuri kuitadzisa kupa vagari hutano sezvavanotarisira ichiti gore rapfuura yakatombovhara mamwe makirinika ayo nekuda kwematambudziko aya.

Izvi zvakataurwa nemukuru mubazi rinoona nezvehutano mukanzuru, Dr Prosper Chonzi nezuro kuparamende vachipindura zvichemo zvakaendeswa kuparamende nesangano rinomiriria vagari reCombined Harare Residents Association (CHRA).

Dr Chonzi, vakati kanzuru yavo inoda kubatsira munhu wese anoenda kuzvipatara nemakirinika avo asi havana zvikwanisiro.

CHRA yakaisa chichemo kukanzuru chekuti madzimai ari kubatsirwa panze pamakirinika uye kuti mamwe makirinika anenge akavharwa uye dzimwe nguva vano bhadhariswa chioko muhomwe nevashandi vekanzuru kuti vakwanise kubatsirirwa mumakirinika aya.

Dr Chonzi vakati makirinika ange avharwa nekuti kanzuru haina mari nevakoti vane hunyanzvi hwekubatsira madzimai akazvitakura

Vakati zvinhu zvakaoma mumakirinika ekanzuru zvekuti mamwe madzimai anenge aenda kumakarirnika aya anotombodzorerwa kumba.
Dr Chonzi vakatiwo nekuda kwekushaya mari kanzuru haizi kukwanisa kupinza basa vamwe vakoti vachiti kunyange vakakwanisa kuvapinza vanosiya nekukasika vachienda kunze kwenyika kana kuzvipatara zvakazvimirira uko vanoti vanopihwa mihoro iri nani.

Vakati kunyange hazvo vakapihwa mvumo nekanzuru yekuti vapinze basa vakoti mazana maviri nemakumi manomwe nevapfumbabwe (279) vakakwanisa kupinza basa vakoti makumi matatu nevatanhatu (36) chete sezvo vakoti vasisade kushandira kanzuru.

Asi dzimwe nhengo dzeparamende dzakaita saVaJoseph Chinotimba veZanu PF dzakati zviri kuitika hazvina kunaka kuti madzimai anozvarira kunze kwemakirinika.

Dr Chonzi vakati vanotambira zvichemo zvevagari asi vakati zvichemo izvi zvinoratidza dambudziko guru riri muHarare rinofanira kugadzirwa nekanzuru pamwe nehurumende.

Vakatenda kuti kune huwori huri kuitika, uye vakati izvi zviri kuitika nekuti vakoti vashoma asi vakati vari kutora matanho.

Mumwe mugari wemuHarare Amai Prudence Hanyani, vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kuti mudzimai wese anenge aenda kukirinika abatsirwa zvisinei nematambudziko akatarisana nekanzuru.

Mukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa muCHRA, VaRuben Akili, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo kanzuru yakatarisana nedambudziko rekushaya mari inofanira kuisa hutano hwevagari pamberi. Vachiti vakoti vashoma varipovanofanira kuita basa nemazvo.

Kanzuru yeHarare ine zvipatara nemakirinika makumi mana nezviviri uye inofanira kunge ine vakoti churu nezana nemakumi mashanu nevaviri kana kuti (1152), Asi pari zvino ine zvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50% zvevakoti ava chete.

Vakafanobata chinzvimbo chemabharani wekanzuru, VaPhakamile Moyo, vati kanzuru ine dambudziko remari vachiti pari zvino iri kuwana zvikamu makumi mana kubva muzana zvemari yainofanira kuwana pamwedzi wega wega.

Vati kana zvinhu zvakanaka, zvikamu makumi mashanu kubva muzana emari dzezvehutano inofanira kubva kubhajeti rekanzuru, zvikamu makumi maviri nezvishanu zvobva pamari inobdharwa muzvipatara uye inenge yasara yobva kumasangano anobatsira.


Vaenderera mberi vachiti hurumende inofanira kutevedza bumbiro iro rinousingira kuti ipe zvikamu zvishanu zvebhajeti renyika kumakunzuru vachiti izvi zvinoderedza matambudziko emari mumakanzuru.

VaMoyo vakatiwo kanzuru ine hurongwa hwekuvaka zvimwe zvipatara zvikuru muguta kana kuti maDistrict Hospitals asi pari zvino haina mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG