Meya weguta reHarare VaJacob Mafume vanoti hurumende yatenda kuti nhasi kuti ndiyo ichabhadhara mari inodarika mamiriyoni mazana mana negumi nemanomwe US$417 million kukambani yeGeogenix BV yekuNetherlands inomiririrwa munyika negeo Pomona Waste Management (PVT) Ltd.
Izvi zvinotevera musangano waitwamuHarare naVaMafume negurukota rezvematunhu Va.July Moyo
Studio 7 haina kukwanisa kubata VaMoyo nemutevedzeri wavo Amai Marian Chombo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.
Kanzuru yeHarare ichitungamirwa naVaMafume yange ichitsika madziro ichiti haisi kuzobhadhara mari kuti nzvimbo yePomona isimudzirwe sezvo chibvumirano chacho change chisina kujeka.
Kunyangwe hurumende yati iri kubhadhara chikwereti, VaMafume vaudza Studio 7 kuti vari kuda nzvimbo yavo yekurasira marara yePomona iyi.
Masangano akawanda kusanganisira Combined Harare Residents Association ange oramba achiendesa VaMoyo kumatare edzimhosva. Vamwe vari kupikisawo chibvumirano ichi vanosanganisira mumiriri weHarare North mudare reparamende VaNorman Markham, Borrowdale Residents and Ratepayers Association neCentre for Alternatived Development Trust.
VaMoyo vange vachirambawo kupomerwawo mhosva nevebato rinopikisa reCitizens Coalition for hChange yekuramba kuzotsanangura kudare nezvechibvumirano ichi.
Dzimwe nhengo dzeparamende dzange dzichivashora dzichiti vange votofambira chikwereti chekambani iyi ivo vari gurukota rehurumende.
Facebook Forum