Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chitatu, Chikunguru 20, 2022


Meya weguta reHarare VaJacob Mafume voita musangano negurukota rezvematunhu VaJuly Moyo nezvenyaya yanetsa yenzvimbo inorasirwa marara yePomona.

Mukuru werimwe sangano revagari reHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vari kukurudzira kuti hurumende itungamire hurongwa hwekuti chibvumirano nekambani yeGeogenix BV yekuNetherlands inomiririrwa munyika neGeo Pomona Waste Management (Pvt) Ltd muZimbabwe.

Vaimbova vashandi vekambani yeGaths Mine kuMashava vogara panze nemhuri dzavo mushure mekudzingwa mudzimba dzavo idzo dzakatengwa nechikoro cheGreat Zimbabwe University.

Kanzuru yeHarare inoudza dare reparamende kuti kushaya mari kuri kupa kuti ikundikane kuwanisa vagari kodzero yehutano zvokonzerawo kuti mamwe madzimai asungunukire panze pemakirinika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa mangwana kuvhura musangano weMine Entra kuBulawayo.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa nezvehurongwa hwesangano reZiva Kwawakabva, hwekuunganidza vana vane vabereki vanobva kuZimbabwe vari muno muAmerica mukupera kwesvondo rino muGreencastle mudunhu re Pennsylvania vachidzidziswa makuriro nemagariro evanhu vekuZimbabwe.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Diaspora Forum 8 pm nhasi, tiri kutarisa kunetsana kunoita zvimwe zvizvarawa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezviri munyika zvikuru pamadandemutande nezvenyaya dzematongerwo enyika. Vamwe vari kunze vanoti vari munyika havasi kuita zvakakwana kuona kuti munyika maita shanduko asi vari munyika vachiti vari kunze ngavadzoke vavhote sezvo muromo usingazarirwe nerwizi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG