Accessibility links

Breaking News

Chipatara cheUBH Chomira Kukotsirisa Varwere neKushaya Mushonga


Chipatara cheUnited Bulawayo Hospitals chazivisa nhasi kuti chave kumbomira kukotsirisa varwere vanenge vachida kuvhiiyiwa nekuda kwekushaya mishonga. Varwere vanoda kukotsiriswa vanonzi vatenge mishonga yavo vega.

Izvi zviri mutsamba yanyorwa nemukuru mubazi rekuvhiyiwa kwevanhu kana kuti clinical services pachipatara ichi Dr Trust Mushawarima.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga sezvo vanzi vange vari mumusangano.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevarwere reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike vaudza Studio 7 kuti mishonga iri kushaikwa haidhure uye zvinoratidza kuti hurumende haisi kupa zvipatara mari yakakwana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG