Accessibility links

Breaking News

ZERA Yodzikisa Mutengo wePeturu neDhiziri Asi Nyanzvi Dzichiti Mitengo Haisi Kuzodzika


Zimbabwe Energy Regulatory Authority kana kuti ZERA yazivisa kuti yaderedza mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari nemasendi matanhatu ekuAmerica.

Dhiziri rave kutengeswa nedhora rimwe chete nemasendi makumi masere ekuAmerica kana kuti US$1,80 ukuwo peturi yave kutengeswa nedhora rimwe chete rekuAmerica nemasendi makumi manomwe kana kuti US$1,70.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti havaone kudzika kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari kuchipa kuti mitengo yezvinhu idzikire muzvitoro.

Vati hurumende yagara ichibatira makambani anotengesa mafuta ekufambisa dzimotokari mutero wakakura wavanozongopfurikidza kuenda kuvatengi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG