Reserve Bank of Zimbabwe yoita musangano nevemabhizimisi panyaya yekutengeswa kwezvinhu muzvitoro nemari yekuAmerica.
Vamwe vashandi vehurumende nhasi vatambira mari dzavo dzakapetwa kaviri sezvakavimbiswa nehurumende asi vari kuchemachema chema kuti nekushaya simba kwedhora remunyika kungotambiriswa mutero wembwa. Vatambira mari idzi vanosanganisira varairidzi.
Nyanzvi dzezvehupfumi pamwe nevemabhizimusi votaura pamusoro pemashoko egurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli, ekuti hurumende ichatorera mamwe makambani anopihwa mabasa nehurumende matanho akaomarara vachivapomera mhosva yekuraramisa musika wemukoto,
Zimbabwe Energy Regulatory Authority kana kuti ZERA yadzikisa mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari asi nyanzvi dzinoti hazvina hazvo zvazvinonyanya kubatsira nemitero yakawanda inobhadharwa pakutengeswa kwemafuta aya.
Kanzuru yeHarare nhasi yaudza paramende kuti kushomeka kwemari pamwe nekusiya basa kuri kuita vakoti kuri kuitadzisa kupa vagari hutano sezvavanotarisira ichiti gore rapfuura yakatombovhara mamwe makirinika ayo nekuda kwematambudziko aya.
Muchirongwa chedu cheLivetalk; the Connection na8 pm nhasi, kutarisa nyaya yekuratidzira kuri kurongwa nevashandi vehurumende uyu kushaya mabasa kwevechidiki.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Facebook Forum