Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chikunguru 18, 2022


Shona Headlines

Kanzuru yeHarare yoita musangano wechimbi chimbi wekuzeya nyaya yanetsa yechibvumirano chekupa kambani yeGeoGenix basa rekusimudzira nzvimbo inorasirwa marara yePomona.

Mapurisa ofumo bata jongwe muromo achipinda mumaguta nekutyira kuratidzira kwevashandi nemamwe masangano akazvimirira oga vasiri kufara nemamiriro aita zvinhu munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Studio 7 iri kuita hurukuro nevari kuvaka nzvimbo inochengetedzwa nhoroondo yenyika kana kuti African Museum and Liberation City muHarare.

Madzimai akawanda otambira kurudziro yekuno vhenekwa chirwere chegomarara repamuromo wechibereko.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na8 pm nhasi, tiri kutaura nezvehurongwa hwevashandi nevemasangano akazvimirira oga hwekuronga kuratidzira.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG