Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheZimbabwe cheMutambo weKiriketi Chinobudirira Kuenda kuMakwikwi eT20 World Cup


Chikwata cheZimbabwe Cricket.

Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi nhasi chaunza mufaro munyika mushure mekubudirira kuenda kumakwikwi eT20 World Cup.

Chikwata ichi chawana tikiti rekuenda kumakundano eT20 World Cup ayo achaitirwa kuAustralia mushure mekurova Papua New Guinea nemaranzi makumi maviri nemanomwe nhasi masikati kuBulawayo.

Mutambi weZimbabwe akanda maranzi akati wandeyi ndi Sikandar Raza uyo abuda nemaranzi makumi maviri nemaviri kuti Zimbabwe isvike pamaranzi zana nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, Papua New Guinea ndokuguma iri pamaranzi zana nemakumi manomwe nemaviri (172)

Kukunda muma semi fainari uku kwapinza Zimbabwe mufainari yeT20 World Cup Qualifier iyo vatambi ava vave kusangana neNetherlands muQueens Sports Club neSvondo.

Kunyange Zimbabwe ikarohwa mufainari iyi, tikiti reWorld Cup ratove muhomwe sezvo mitemo ichiti zvikwata zvapinda mufainari zvinotora zvinzvimbo zviviri zvasara kuti zvikwata zvemakundano eT20 World Cup zvikwane.

Mutsigiri wemutambo uyu VaFidelis Muzondiwa, vanoti maChevrons adadisa zvichitevera kukundikana kwakaita chikwata che rugby kubudirira kuendawo kuWorld Cup.

MaT20 World Cup Qualifiers ndiwo anga ari makwikwi ekutanga emurairidzi mutsva wemaChevrons, Dave Houghton, kubvira atambidzwa basa iri mwedzi wapera.

Zvikwata zvisere zvinoti Hong Kong, Jersey, Papua New Guinea, Singapore, Netherlands, Uganda, USA neZimbabwe, zvanga, kwesvondo rese, zvichirwira kuenda kuWorld Cup uku.

Totarsa mutambo wenhabvu. Hupenyu hwemurairidzi weDynamos, Tonderai Ndiraya, huri patambo apo chikwata chake chiri kupinda munhandare yeNational Sports Stadium neSvondo pamutambo neFC Platinum.

Masvondo maviri apfuura vastsigiri vechikwata ichi vanga vachisheedzera kuti Ndiraya ngaasiiswe basa zvekuti kurohwa zvekare neSvondo kunosimudza dzimwe mwepo.

Dynamos yakunda mumutambo mumwechete chete pamitambo minomwe yapfuura izvo zvisiri kufadza vatsigiri vechikwata ichi kusanganisira VaBatai Kwayedza.

Izvi zvauya panguva yakaoma apo Dembare ine FC Platinum iyo iri kubhebha moto uyezve iri kutungamira gungano iri nemapoinzi mashanu pamusoro peChicken Inn.

Vaongorori vemutambo wenhabvu kusanganisira VaAdmire Muhimeke vanoti Dynamos haimire paFC Platinum apa.

Masvondo maviri apfuura, FC Platinum yakazvambura Chicken Inn 3-0 mumutambo wakasangana zvikwata zviviri zviri kutungamira gungano iri.

Pamusoro pezvo, Kugona Kunenge Kudada haisati yarohwa mumitambo minomwe yapfuura.

Nesvondo zvekare asi muBarbourfields Stadium, Chicken Inn iri kutarisira kurasa kurohwa kwayakaitwa neTenax svondo rapera nekutora mapoinzi ese matatu pamutambo neBulawayo Chiefs.

Asi mitambo ye PSL iri kusimuka mangwana apo Highlanders iine rwendo kuGweru kunosangana neHwahwa muAscot.

Caps United ine rwendowo asi rwupfupi - pfupi kuenda paMhondoro-Ngezi kunotamba neNgezi Platinum Stars muBaobab Stadium.

Mimwe mitambo yenhabvu iriko svondo rino yakamira seizvi …..

Mugovera; ZPC Kariba v Cranbourne Bullets -Nyamhunga, Byo City v Tenax -Barbourfields, Harare City v Triangle - NSS, Manica Diamonds v Herentals -Vhengere

Svondo, Black Rhinos v Yadah - Vhengere.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG