Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kuti Vasauraye Magora Sezvo Achibatsira Kuchenesa Masango


VaMoses Garira

Imwe nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwemhuka neshiri dzesango, VaMoses Garira, vari kukurudzira veruzhinji kuti vasauraye magora vachiti anobatsira kuchenesa masango kuburikidza nekudya nyama dzemhuka dzinenge dzafa izvo zvinozoita kuti pasave nezvirwere.

Vagarira, avo vanoshanda paVictoria Falls Safari Lodge kuVictoria Falls, vanoti hotera yavo yakatotanga chirongwa chekupa nyama kumagora zuva nezuva icho vari kuita vakabatana nemasangano anoti National Parks, Bird Life Of Zimbabwe ne Newild Life Trust.

Vanoti magora mazhinji ari kuuraiwa nevamwe vanenge vachida kuita zvemishonga asi vanoti izvi hazvikurudzirwe sezvo shiri idzi dzava kushomeka munyika.

Vanoti kupa kwavanoita shiri idzi nyama pahotera pavo hazvirevi kuti vari kuti dzigute asi vanoti vari kuedza kudzikwezva kuti dzibve musango umo dzinosangana netsaona dzakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG