Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Chishanu, Chikunguru 15, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Hurumende yeChina kuburikidza nemuzinda wayo muZimbabwe yoramba kuti makambani ezvizvarwa zvayo ari munyika haasi kutevedzera mitemo yepamabasa uye kuti ari kusvibisa nharaunda dzaanoshandira, kutora zviwanikwa pamwe nekuita zvechioko muhomwe nevakuru vemuhurumende kuti vatsiketsike mhosva dzaanenge apara.

Komishini inoona nezvesarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission, inoti yawana mari yakakwana yekuti veruzhinji vaongorore gwaro revavhoti pamwe neyekushandisa kutara miganhu. ZEC inotiwo haikurudzire mhirizhonga munyikakunyange hazvo vamwe vachiti komisherni iyi haisi kushanda zvakakwana kudzivirira mhirizhonga dzakanangana nesarudzo.

Bato re Zanu PF romira nenhengo yaro kuMberengwa, VaAbton Mashayanyika, pamashoko avo avanonzi vakataura pamusangano webato iri ekuti mutungamiri weCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa ngavaurayiwe.

Sangano reGender Media Connect rotungamira musangano wekuparura gwaro retsvakurudzo dzarakaita pamusoro penyaya dzine chekuita nevatori venhau vechidzimai munyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwemhuka neshiri dzesango, VaMoses Garira, vokukurudzira veruzhinji kuti vasauraye magora vachiti anobatsira kuchenesa masango kuburikidza nekudya nyama dzemhuka dzinenge dzafa izvo zvinoita kuti pasave nezvirwere.

Chikwata cheZimbabwe Cricket chotarisana negonhi rekuenda kumakundano eT20 World Cup kana chakabudirira karova Papua New Guinea masikati anhasi.

Muchiriongwa che LiveTalk na8 pm nhasi, tiri kuendera mberi tichitarisisa zvakadzama mhirizhonga yezvematongerwo enyika iyo inonzi iri kuitika munyika pamberi pesarudzo dzegore rinouya, pamwe nemashoko evamwe vatungamiri mubato reZanu PF, ayo anonzi nevamwe anokurudzira mhirizhonga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG