Accessibility links

Breaking News

VaKazembe Vonzi Varipe Mudzimai Anonzi Akafa Arohwa neMapurisa


VaKazembe Kazembe
VaKazembe Kazembe

Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe nemukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vaendeswa kudare repamusoro reHigh Court vachinzi varipe mudzimai anonzi akaitwa kafiramberi ari mumaoko emapurisa achibva afa kuChivhu.

Magweta atura mapera ekuti mhuri yemushakabvu iri kuda mari inosvika zviuru makumi manomwe nematatu zvine mazana manomwe nemakumi mashanu ekuamerica kana kuti US$73, 750.

Mudzimai uyu, Amai Sharai Mukaro vaipomerwa mhosva yekuba mari inosvika chiuru chemadhora. Mushure mekufa kwavo, magweta akakumbira kuti pagarwe dare kana kuti “inquest” kuona kuti chii chakavaraya.

Mutongi wedare ramejastiriti kuChivhu VaHenry Dande vakazeya nyaya iyi vakabuda nemutongo wekuti Amai Mukaro vanogona kunge vakarohwa zvakaipisisa ndokuzofa naDetective Steven Dondo nevamwe vavo muna Gunyana gore rapera.

Vakati mapurisa ose ari kupomerwa mhosva iyi vanofanira kumiswa pamberi pedare. Amai Mukaro vaive nevana vaviri uye vanonzi vairohwa mukamuri inonzi “Dark room”.

Detective Dondo vakaudza dare kuti vainge vaudzwa nemurume waAmai Mukaro, Mufundisi Abiniel Mukaro kuti vaive nechirwere chemoyo. Asi vachipa huchapupu, VaMukaro, mwana wavo Ivy Mukaro namufundisi Nelson Chirambadare vakati vainge vaudzwa nemufi kuti ainge arohwa zvakaipisisa pasi petsoka. Ongororo yavanachiremba yakati vakafa nekurohwa zvakanyanya zvakapa kuti rimwe ropa rigwambe.

Hatina kukwanisa kubata VaKazembe sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Asi gweta remhuri yaAmai Mukaro, VaTinashe Chinopfukutwa vesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti vakatotura mapepa kudare kuti mhuri yemufi iripwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG