Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti mashoko eruvengo anonzi ari kutaurwa nevamwe vakuru mubato riri kutonga reZanu PF munyika ekunyomba pamwe nekutyisidzira vanopikisa, zvikuru vebato reCitizens Coalition for Change pamwe nevemasangano akazvimirira, anogona kuwedzera kusagadzikana kwave munyika pamberi pesarudzo dza 2023.
NeChitatu mutungamiri wenyika vari zvakare mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudzawo musangano wePolitiburo yebato ravo reZanu PF kuti mauto akagadzirira kupodza mhirizhonga inokonzerwa nevanopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira.
Asi izvi zvinonzi nevamwe zvinoburitsa pachena hurongwa hwehurumende yavo pamwe nebato reZanu PF hwekunyaradza vanopikisa vachishandisa mauto, ayo anopomerwa mhosva yekupfura vanhu vanenge vachiratidzira zviri pamutemo sezvakamboitika mumakore adarika.
Hurumende inonzi iri kumbunyikidza kodzero dzevanhu dzavanopiwa nebumbiro remitemo ichisunga vanopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira.
Asi hurumende inoti mutemo hautarise kuti munhu abuda mumba maani.
Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zviri kuitwa nehurumende pamwe neZanu PF izvi munongedzo wekuti nyika yave nehutongo hwebato rimwechete kana kuti one party state.
Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira Vusango vanoti zvinogarozivikanwa kuti kana yave nguva yesarudzo vanopikisa nevari kutonga vanopomerana mhosva yekukonzera mhirizhonga.
Asi vanoti kana vanopikisa vakaona zvinhu zvave kuvaomera vanofanirwa kusiyana nezvematongerwo enyika, kwete kunyepa kuti vari kushungurudzwa.
Facebook Forum