Accessibility links

Breaking News

VaChere veARTUZ Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaRobson Chere munyori mukuru weARTUZ

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba

.VaChere nemutungamiri wesangano iri VaObert Masaraure vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuponda imwe nhengo yesangano iri VaRoy Issa muna 2016.

Dare ramejastiriti rakamboferefeta firo yavo rikati vainge vadonha vega kubva mumudurikidzwa wekamumiri yechinomwe yeJameson Hotel muHarare. VaChere naVaMasaraure vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti kuda kuvashungurudza.

Mutevedzeri wemutungamiri weARTUZ Muzvare Christine Kayumba vanoti kunyangwe vari kushungurudzwa havasi kuzodududza pakurwira kodzero dzevarairidzi.

Hurukuro na Muzvare Christine Kayumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG