Panguva iyo mitengo yehusavi iri kuramba ichikwira munyika sangano reLove For Africa riri kuVictoria Falls rakabatana ne sangano reMATTER reku America rinoti rakatanga chirongwa chekudzidza vagari vekumaruva kudyara muti unonzi Chaya uyo usinga dhure uye usingatore nguva yakareba kuti mashizha awo aitwe usavi.
Mumiriri wesangano iri munyika, VaSilent Kaseke vanoti vari kushanda zvakare nezvipatara zviri muVictoria Falls neku Bulawayo mukudzidzisa vanhu kuita magadheni echirimwa ichi chinonzi chinovaka muviri.
VaKaseke vanoti muti uyu unobva kunyika yeMexico asi unokwanisa kudyarwa munzvimbo dzakawanda munyika.
"Shuwiro yedu ndeyekuti veruzhinji munyika vawane ruzivo rwekudyarwa kwemuti uyu kuitira kuti vawane usavi uno vaka miri uri nyore kudyara nekupawo vamwe mbesa yawo," VaKaseke vaudza Studio7.
Facebook Forum