Mutungamiri wenyika nebato reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa vaudza Politiburo yebato ravo kuti mauto nemapurisa akagadzirira kudzivirira nyika kune vanoda kukonzera kusagadzikana.
Asi vanopikisa vanoti vane kodzero yekuratidzira uye havasi kuzoponderwa musagi samangoyi.
Mamwe masangano akazvimirira oga anoti acharonga kuratidzira sezvo zvinhu zviri kuramba zvichiita manyama amire nerongo munyika achipomera hurumende mhosva yekushandisa mapurisa nematare kumbunyikidza kodzero dzevanhu.
Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe nemukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vakaendeswa kudare repamusoro reHigh Court vachinzi varipe mudzimai anonzi akaitwa kafiramberi ari mumaoko emapurisa achibva afa kuChivhu.
Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.
Muchikamu chedu cheDiaspora Forum chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaJonah Masiya vari muWest Virginia, avo vari kudzosa zvakare neChishanu svondo rino makwikwi avo enhabvu muzvikoro zvekumusha kwavo kwaGutu kuMasvingo, eMasiya Soccer Tournament, ayo akanga ambomiswa nekuda kwedenda reCovid-19.
Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum na8 pm chatinotaura nezvizvarwa zveZimbawe zviri kunze kenyika, tiri kutarisa nyaya yemagwaro ekushanda kuSouth Africa kana kuti Zimbabwe Exemption Permit pasara mwedzi mishoma kutyi vana veZimbabwe vanawo vamanikidzwe kudzokera kumusha.
Hurumende yeZimbabwe inoti yakagadzirira kubatsira vanoda kudzoka kumusha ukuwo South Africa ichiti hapana kudududza padanho rayo rekudzinga vanenge vasina kuwana mamwe magwaro matsva ekuti vagare munyika iyi zviri pamutemo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Facebook Forum