Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMaindasitiri, Amai Nzenza, Vokurudzira Nhaurirano paRakonzerwa neNyaya yeKutengeswa kweZvinhu neMari yeKunze


Gurukota rezvemaindasitiri, Amai Sekai Nzenza
Gurukota rezvemaindasitiri, Amai Sekai Nzenza

Panguva iyo hurumende iri kukurudzira kushandiswa kwemari yemunyika pamwe neyekunze, bazi rezvemari rinonzi rave kutorera matanho makambani ari kutengesa zvigadzirwa zvawo nemari yekunze achiramba kutambira dhora remunyika.

Danho iri rinonzi nevezvitoro richavakanganisa zvikuru sezvo vamwe vavo vari kutengesawo zvimwe zvinhu nemari yekunze nekuda kwemawaniro avanenge vazviita.

Mutungamiri wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti kutekeshera kwaita nyaya yekutengeswa kwezvinhu nemari yekunze kwakonzerwa nevemakambani anogadzira zvinhu, ayo avanoti ari kuramba kutambira mari yemunyika, izvo zvinozomanikidza vezvitoro kutengesawo zvinhu zvavo nemadhora ekuAmerica

Izvi zvinotsigirwa nevaimbove gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa vari zvakare mutevedzeri wemutungamiri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaTendai Biti, avo vanoti danho rehurumende rekutevera makambani ari kutengesa zvigadzirwa nemari yekunze mucherechedzo wekukundikana kwebazi rezvemari.

Vanoongorora zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, Muzvare Chenai Mutambasere, vanotiwo danho rehurumende iri rinogona kuita kuti zvinhu zvitange kushaikwa muzvitoro.

Asi munyori mukuru wesangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo vanoti nyaya yekuramba kutambira mari yemunyika iri kuitwa nevamwe vezvitoro iri kuomeserawo vashandi, avo vasiri kupiwa mihoro yavo iri mumadhora ekuAmerica.

Mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti havaoni chiri kukanganiswa nehurumende pakuranga vavanoti vari kutyora mutemo kuburikidza nekutengesa zvinhu zvavo nemari yekunze vachiramba dhora remunyika.

Saka zvii zvingaitwa kuti kupesana kwakonzerwa nedanho iri kugadziriswe? VaBiti vanoti kuzvigona kugara pasi kwemapoka ose orovana masoro obuda nechisungo chimwechete.

Gurukota rezvemaindasitiri, Amai Sekai Nzenza, vanotiwo basa rebazi ravo nderekuona kuti mutengi ari kutenga nemutengo wakakodzera, asi mutengi ari kuomerwa, ivowo vanotengesa vachiti zvavaomerawo kwavari kuhodha.

Asi Amai Nzenza vanoti kunyange hazvo zvakaoma kudaro, panofanirwa kugarwa pasi vachiti, "inyaya inotauriranwaka kuti topagadzirisa sei?"

Nezuro munyori mukuru mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga vakanyorera imwe kambani inogadzira zvinwiwa, yeBeitbridge Juicing (Pvt) Limited, vachiizivisa kuti yakanga yatorerwa mukana wekupinza munyika maorenji nema grapefruit isingabhadhari mutero ichipomerwa mhosva yekutengesa zvigadzirwa zvayo nemari yekunze ichiramba kutambira yemunyika.

Hatina kukwanisa kubata vekambani yeBeitbridge Juicing (Pvt) Limited kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hatinawo zvakare kukwanisa kubata VaGuvamatanga kanawo gavhuna veResrve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, kuti tinzwe zvizhinji panyaya iyi sezvo nhare dzavo dzanga dzisingadairwi.

Asi vakawanda vanoti kunze kwekunge pagadziriswa dambudziko rakonzerwa nemutemo unobvumidza kushandiswa kwemari yekunze neyemunyika panguva imwechete, vemabhizimusi vacharamba vachisarudza kushandisa dhora rekuAmerica, dhora remunyika richiiswa seri kwesasa semutsvairo.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG