Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neCCC Vokakavadzana nezveKusagadzikana Kwoita Nyika paMberi peSarudzo dza2023


Murungamiri wenyuka VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa

Vebato reZanu-PF neveCitizens Coalition for Change vatatsurana muMasvingo nhasi pakuti ndiyani ari kukonzera mhirizhonga nekusagadzikana munyika pamberi pesarudzo dza2023.

Vachitaura pamusangano wekutaura nezvegadziriro yesarudzo dzegore rinouya wakokerwa nesangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists nhasi paChevron Hotel, vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC muMasvingo, VaDereck Charamba nemunyori mubazi revechidiki muZanu PF muMasvingo, VaCharles Munganasa vati mapato avo akagadzirira zvakakwana kupinda musarudzo dzegore rinouya.

VaCharamba vati bato ravo riri kugadzirira sarudzo idzi nekutsvaga rutsigiromurunyararo asi vakapomera Zanu-PF mhosva yekuita nekuvakanganisa

VaCharamba vati huwandu hw mhirizhonga yezvematongerwe enyika nekumbunyikidzwa kwekodzero dzavatsigiri vavo huri kukura munyika apo sarudzo dzave pedyo.

Izvi zvarambwa naVaMunganasa avo vapomera mhosva yekukwira kwemhirizhonga dzematongerwe enyika kubato rinopikisa re CCC vachiti ndiro rinotanga mhirizhonga.

VaMunganasa vanoti bato reCCC rinobatsirwa nemasangano akaozvimirira oga kunemera bato ravo mhosva dzenhema vachiti vanhu varikuita izvi varikuita voga vasina kutumwa nebato ravo.
Vaenderera mberi vachiti vanotarisira kukunda musarudzo gore rinouya nekuti mabasa ari kuitwa nebato ravo ari kuonekwa nevavhoti.

VaCharamba vati hapana mabasa anoonekwa akaitwa nebato reZanu PF kubva muna 2018 sezvo hupfumi hwenyika huri kumawere uye vanhu varikutambura.

Munyori mukuru musangano reZUJ muMasvingo, VaTatenda Chatagu vatiwo vaita musangano uyu pakati pevatori venhau nevatungamiriri vemapato aya kuti vazeye nyaya yemhirizhonga pasarudzo iyo inobatawo vatori venhau vanenge vachita mabasa avo

Mapurisa ange akakokwawo kumusangano wanhasi haana kuuya. Bato reCCC riri kupomera bato reZanu PF mhosva yekuponda nhengo dzaro dzinoti VaMboneni Ncube, KuKwekwe pasarudzo dzema by-election muna Kurume, Muzvare MoreBlessing Ali kuNyatsimwe mwedzi wapera pamwe na Nyasha Zhambe Mawere kwaGutu gore rapera muna Zvita. Asi Zanu PF inoramba mhosva idzi ichiti vanhu vakazviita vakapara mhosva vakazvimirira ndosaka vakasungwa nemapurisa.

Mugwaro rayo rezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu nemhirizhonga munyika mumwedzi waChikumi, sangano rakazvimirira roga reZimbabwe Peace Project rinoti bato reZANU PF ndiro rakanyanya kutyora kodzero dzevanhu nezvikamu zvinodarika makumi mana nematatu kubva muzana 43,8%, ukuwo bato reCCC rinewo zvikamu zvinodarika zvitatu nechidimbu kubva muzana kana kuti 3.5%.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG