Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vonakurira Vamwe Nyoka Mhenyu paNyaya yeMari Iri Kutengeswa paMukoto


Muzvinafundo Mthuli Ncube, Doctor George Guvamatanga na and Doctor John Mangudya

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya varamba kuti kutadza kupa makambani mari yekunze pamusika weRBZ Foreign Currency Auction nechimbi chimbi ndiko kuri kukudza musika wemukoto kana kuti "parallel market" vachiti makambani anotengesa kana kuitira hurumende basa ndiwo anotenga mari pamusika uyu.

Vachitsangura mashandiro ari kuita musika weForeign Currency Auction System, kukomiti yeparamende inoona nezvebhajeti, VaMangudya vati nenyaya yekuti hurumende inonoka kubhadhara makambi anoitengesera zvinhu, anoisa mutero wakakura kana kuti Forward Pricing pachirungu.

Vatiwo paanozobhadharwa anobva aenda pamusika wemukoto kunotenga mari yekunze achiti anenge achida kuchengetedza hupfumi hwavo sezvo dhora rekuAmerica rakadzikama mutengo pane remunyika.

Vati nekuda kwaizvozvo hurumende inofanira kutarisisa matengero nenzira dzainoshandisa kubhadhara makambani aya.

Vaenderera mberi vachitiwo kana veruzhinji vanoda kuchengeta mari yavo ari madhora ekuAmeria nekudaro ndivo vamwewo vari kuenda kuniotenga mari iyi pamukoto.

Doctor Mangudya vati hazvigoni kuti makambani anenge akamirira kupihwa mari dzekuAmerica dzaanenge atenga paAuction aende pamusika mutema nekuti anobva atotorerwa madhora avo emunyika anenge ari mumabhanga.

Asi mutungamiriri wesangano rinomirira vemabhizimisi reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaMike Kamungeremu, vaudza komiti iyi kuti zviri kuitwa neRBZ zvekutadza kupa makambani mari paAuction nenguva zvauraya mabhizimisi akawanda uye ndizvo zvinoita kuti mamwe makambani apedzesera aenda kunotenga mari pamusika wemukoto izvo zvinozokwidza mitengo yezvinhu.

Semuenzaniso vati pane mamwe makambani akamirira kupihwa mari yaakatenga paAuction muna Kukadzi gore rino.

VaKamungeremu vatiwo vanoona sekuti mutengo wemari paAuction uri pasi pemutengo chaiwo wemari yekunze.

Zvinofungidzirwa kuti RBZ ine chikwereti chemamiriyoni mazana matatu kune makambani akatenga mari pamusika wayo asi VaMangudya vati chikwereti chavanacho ndechemamiriyoni makumi manomwe nemashanu uye vavambisa kuti vachange vabhadhara mari iyi kupera kwemwedzi uno.

Vabvumawo kuti pakakanganiswa vakati mune remangwana vachaona kuti izvi hazviitike zvakare.

Svondo rapfuura paRBZ Auction, dhora rekuAmerica raitengwa nemaRTGS mazana matatu nemakumi masere uye pamusika mutema raitengwa nemari inodarika maRTGS mazana mashanu.

Nhengo dzekomiti iyi dzakaita saVaEnergy Mutodi veZanu PF, VaRusty Markham naVaWillasa Madzimure veCitizens Coalition for Change varatidza kusafarawo nenyaya yekuti mari yemuno iri kuramba ichishaiwa simba uyewo nekuti hurumende iri kubhadharisa mimwe mitero nemari yekunze.

Vatiwo izvi zvinoratidza kuti hurumende pachayo haina chivimbo nemari yayo vachiti mari yemuno yave pedyo kurambwa nevanhu nezvakaitika muna 2009.

Asi VaMangudya vati ishuviro reRBZ kuti mitero yese ibhadharwe nemari yemuno.

VaMangudya naVaKamungeremu vanobvumirana kuti Zimbabwe haina mari inokwana kuti ishandise madhora ekuAmerica.

Vatiwo vari kuedza zvese zvavanokwanisa kugadzirisa zvinhu asi vakati chinonyanyonesta inyaya yekuti veruzhinji havachina chivimbo nemari yemuno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG