Accessibility links

Breaking News

Varimi vekuChiredzi neMwenezi Votengesa Mombe neMari Shoma neNyaya yeNzara


Vamwe vagari vemumatunhu eChiredzi neMwenezi muMasvingo vari kuchema
chema kuti nzara yapfunya chisero munzvimbo dzavo zvopa kuti vatengese zvipfuyo zvavo kuti vatenge chikafu chekuraramisa mhuri.

Mukutengesa zvipfuyo izvi, varimi vakawanda vari kurasikirwa nemari yakawanda. Mombe dziri kutengeswa nemari yepasi inosvika madhora zana nemakumi mashanu ekuAmerica kana kuti US$150 asi dzichifanira kutengeswa nemadhora mazana mana kana kuti US$400 kusvika pamadhora mazana matanhatu kana kuti US$600.

Mumwe mugari wekuMhlanguleni kuChiredzi, VaEdmund Chauke vanoti danga ravo rinogona kupera gore sezvo mombe huriwo hupfumi chete hwavanahwo.

Nhamo yekutengesa hupfumi iyi yauta nekuda kwekupera kwechikafu mumatura zvakakonzerwa nekurambira kwemvura mudenga mwaka wapera zvikakonzera kuoma kwezvirimwa.

Vamwe vasina zvipfuyo zvekutengesa vanoti vave kungodya kamwe chete pazuva sekutaura kwaVaTarangarira Hlupo vekuChipangai kuMwenezi. Vanoti vave kutorarama nemichero yemusango.

Ndekuda kwenzara yapfunya chisero, vamwe vagari vari kukumbifra chikafu kubva kuhurumende nemasangano akazvimirira oga akaita seWorld Food Programme kana kuti WFP.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muhofisi yegurukota reMasvingo, Dr Jefter Sakupwanya, vati hurumende yakatonga chirongwa chekubatsira vagari vekumaruwa nechikafu kuti vasarasikirwe nehupenyu.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika nevanopikisa vari kupomera hurumende mhosva yekusataura chokwadi pamamiriro akaita zvinhu munyaya dzchibage. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati nyika ine chibage chakakwana sezvo pane chimwe chakasara mumatura.

Zimbabwe inoda matani mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri kana kuti 2,2 million metric tonnes pamwedzi. Hurumende inoti goho regore rino rinosvika miriyoni imwde chete nezviuru mazana masere kana kuti 1, 8 million metric tonnes uye mumatura magara muine chibage chinosvika zviuru mazana mashanu kana kuti 500 000 metric tonnes zvichireva kuti chakatowandisa pane chidodiwa kusvika mwaka unotevera.

Vamwe varimi vari kurambawo kutengesa chibage kuGMB vachiti mutengo uri pasi zvapa kuti zvinhu zvibva zvanyanya kuipa.

Asi nekune rumwe rutivi sangano reGrain Millers Associattion range richitenga chibage kuZambia neMalawi. World Food programme inoti vanhu mamiriyoni mashanu vemunyika vachada chikafu.

Zvichakadaro vagari vemumaruwa ekuRenco nekwaRupike nedzimwe nzvimbo
dzakapoteredza vari kugara mukutya zvichitevera kuonekwa kwakaita
shumba nhatu munharaunda mavo.

Vagari ava vanoti vari kutyira hupenyu hwavo pamwe nezvipfuwo zvavo
izvo zvinogona kudyiwa neShumba idzi dzisati dzanyatsozivikanwa kuti
dzakabva kupi.
Asi vamwe vanoti dzinogona kunge dzakapoya kubva kuGonarezhou Nationa Parks.

Mumwe mugari wekwaRupike Amai Sunungurai Magariro vanoti vanotyira
hupenyu kunyanya hwevana vanofamba nzendo refu vachipfuura nemasango
kuenda kuchikoro.

Bazi reNational Parks and Wildlife rakabudisa mashoko ekuwonekwa
kweshumba idzi svondo rapera richiti vanhu vagare vakangwarira.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG