Accessibility links

Breaking News

VeZCTU neZFTU Vanoti Vakuru Vakawanda kuNSSA Ngavamiswe Basa neNyaya yeHuori


Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima
Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima

Masangano evashandi anoti reZimbawe Congress of Trade Union ne Zimbabwe Federation of Trade Unions anoti haasi kufara nedanho rasachigaro weNational Social Security Authority Doctor Percy Toriro rekumisa basa mukuru wekambani iyi VaArthur Manase voga basa.

Munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vanoti huori huri kupomerwa vakuru vekambani iyi hwakakura zvekuti hapadi kuti munhu mumwe chete akandwe pasi pebazi. VaMoyo vati bhodhi rose rinofanira kumbomiswa basa.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru weZFTU VaKennias Shamuyarira vanoti masangano evashandi anofanira kumbofanobata matomu pachiitwa ongororo.

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vashandi vanofanira kunzwisa kuti vanhu vanonzi vabatwa nemhosva chete kana papedza kuitwa ongororo. Vati vashandi vanofanira kumirira kuti hurumende ipete ongororo yayo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakanyora mubepanhau reSunday Mail mavhiki adarika vachiti havasi kufara nemabatirwo ebasa kuNSSA zvakapa kuti paparurwe ongororo iyi.

Asi vashandi vanoti vange vave nemakore vachiti NSSA iri kuvabata neseri kweruoko kana vave pamudyandigere ichivapa mari shoma asi vakuru vekambani iyi vachidya noriva nekupura nyemba nemusana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG