Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeCricket T20 2022 World Cup Yotanga kuBulawayo neMuvhuro


Guta reBulawayo mangwana richange richiyevedza nemavara akasiyana-siyana ezvikwata zvisere zvekiriketi zvirikusimudzira makundano eT20 2022 World Cup qualifier. Michael Kariati anotipa nyaya iyi.

Makundano aya arikusimuka zvine mutsindo mangwana mangwanani nemitambo mina kusanganisira weZimbabwe ne Singapore muQueens Sports Club.

Pamutemo, chikwata chiri pamusha seZimbabwe, ndicho chinowanzovhura makundano makuru akadai, asi nekushomeka kwenguva, USA neJersey dziri kutambawo nguva imwechete neZimbabwe asi munhandare yeBulawayo Athletic Club.

Machikichori e mangwanani aya eGroup A, arikuzoteverwa masikati nemitambo pakati peNetherlands nePapua New Guinea neumwe unosanganisira Hong Kong neUganda idzo dziri mugungano reGroup B.

Zvikwata zvisere izvi zvaungana muZimbabwe kurwira nzvimbo mbiri dzasara kuenda kumakundano eT20 World Cup ayo arikuitirwa kuAustralia.

Zvikwata zvichapedza zviri pamusoro mumagungano maviri aya zvichabatanidzwa muma semi finari, zvinopinda mufainari zvichibudirira kuenda kuWorld Cup.

Mutauriri weZimbabwe Cricket VaDarlington Majonga vanoti veruzhinji ngavauye muhuhwandu hwavo kuzokuzirira chikwata chenyika kuti chitore mukombe kana kusvika mufainari.

Mutsigiri wemutambo uyu VaNoel Mutyambizi haasi kutyira hake chikwata cheZimbabwe sezvo paine zvikwata zvisingavhundutse.

MaT20 World Cup qualifiers aya ndiwo makundano ekutanga emurairidzi weZimbabwe Dave Houghton kubvira apo akapihwa basa iri mwedzi wapera.

Totarisa zvabuda mumitambo yeCastle Premier Soccer League…

Zvikwata zviviri zvine mukurumbira Caps United neChicken Inn zvadonhedza mapoinzi akakosha mumitambo yanhasi yeCastle Lager Premier Soccer League.

Chicken Inn yarohwa 1-0 neTenax ndokurasa mukana wekudimbura hutungamiri hweFC Platinum iri pamusoro petafura.

Chicken Inn yaramba iine mapoinzi makumi matatu nemasere, FC Platinum iine mapoinzi makumi mana nematatu.

Izvi zvauya apo Caps United yadonhedzawo mapoinzi maviri nekuita mangange 0-0 neBlack Rhinos.

Caps yapedza mutambo uyu iine vatambi gumi mushure mekunge Marshall Machazana atambidzwa kadhi dzuku.

Caps United yadzokera pachinhanho chegumi nenhatu yasvetukwa neCranbourne Bullets iyo yakarova Dynamos 1-0 nezuro.

Mukuru weCaps United VaFarai Jere vanoti vatambi vavo vanofanira nguva dzese kutamba vachiyeuka makuriro akaita zita rechikwata chavarikutambira

Asi murairidzi weBlack Rhinos Hebert Marowa anoti poindi yavawana inovabatsira muchinangwa chavo che kupedza vari pazvikwata zvinenge zviri pamusoro.

Highlanders nemurairidzi wavo mutsva Batemar Brito vari kuenderera mberi nekutora mapoinzi mushure mekudambura Manica Diamonds 3-0, ndokupinda mumapoinzi makumi matatu.

Mune mumwe mutambo wanhasi Triangle yaita mangange 0-0 nevashanyi veZPC Kariba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG