Accessibility links

Breaking News

Musha weDynamos Wapindwa naPongwe


Murairidzi weDynamos Tonderai Ndiraya
Murairidzi weDynamos Tonderai Ndiraya

Murairidzi weDynamos Tonderai Ndiraya apinda panguva yakaoma mushure mekunge Dembare nhasi yarohwa zvekare. Vateveri vechikwata ichi nhasi vanga vachiimba kuti Ndiraya anofanira kusiiswa basa mushure mekunge Dembare yarohwa 1-0 neCranbourne Bullets muVhengere Stadium.

Izvi zviri kutevera kunyunyuta kwakaita vatsigiri vamwechetevo svondo rapera apo Dynamos yakatarika, ndokuita mangange 0-0 neTriangle. Izvi zviri kureva kuti Dynamos yakunda mumutambo mumwechete chete pamitambo minomwe yavatamba yakateverana izvo zvisiri kufadza vatsigiri vechikwata ichi.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaPeter Musengezi vanoti zviri kuitika kuna Ndiraya hazvisi zvitsva sezvo vatsigiri veDembare vachida kugara vari murufaro. Dynamos yasiiwa nemapoinzi masere neFC Platinum iyo iri kutungamira nemapoinzi makumi mana nematatu mushure mekurova Bulawayo Chiefs 1-0 nhasi masikati.

Pakati peFC Platinum neDynamos paneC hicken Inn iyo iri kutamba mutambo wayo neTenax muSakubva Stadium mangwana. Chicken Inn yasiiwa neFC Platinum nemapoinzi matanhatu asi yakasiyana Dynamos nemaviri.

Herentals yakwirawo kusvika pachinhanho chechitanhatu nemapoinzi makumi matatu mushure mekuzvambura Ngezi Platinum Stars 3-0 muNational Sports Stadium.

Asi murairidzi wavo Kumbirai Mutiwekuziva haasi kutaura zvemukombe asi kuita zviri nani kudarika pavakapedzisira kukwidza apo vakapunyuka kuenda kuDivision One neburi retsono.

Nhasi zvekare, asi kuBarbourfields, Bulawayo City yazvirerutsirawo muhondo yayo yekubva pasi petafura mushure mekurova Hwahwa 3-1. Bulawayo City yave nemapoinzi gumi nemasere, ndokuenda pachinzvimbo chegumi nenhanhatu yasvetuka Tenax nepoindi imwechete. Hwahwa yaramba iri pasi petafura nemapoinzi gumi nemashanu.

Mimwe mitambo iriko mangwana apo Black Rhinos irikushanyira Caps United, Highlanders iri pamusha neManica Diamonds.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG