Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi Vochemachema neKutorerwa Kwavari Kuitwa Chibage Chavo neGMB vachinzi Vari Kutengesera Makoronyera


Vashandi veGrain Marketing Board vachitora chibage kubva kune vamwe varimi kuMashonaland West.
Vashandi veGrain Marketing Board vachitora chibage kubva kune vamwe varimi kuMashonaland West.

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vari kuchemachema nekutorerwa kwavari kuitwa chibage chavo nevashandi veGrain Marketing Board-GMB-vachinzi vari kutengesa chibage kune vanotenga vakazvimiririra kana kuti makoronyera, zvisingabvumirwe nemutemo.

Senzira yekumanikidza varimi vose kuti vatengesere zvirimwa zvavakakohwa kuGMB, vashandi veGMB vakabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police vari kufamba vachitorera varimi zvirimwa zvavo zvakaita sechibage, bhinzi nemapfunde vachizviendesa kumatura kwavo.

GMB inoti iri kuita izvi senzira yekusimbisa mutemo unorambidza kutengeserwa kwezvirimwa izvi kuvatengi vakazvimiririra asi kuti murimi aendese kuGMB.

VeGMB vaoti vakatorera munhu chirimwa chake vanobva vamupa gwaro rinoratidza huwandu nemutengo wechibage kana bhinzi zvavanenge vamutorera, vopiwa zita nenhamba dzekubhanga rake kunofanirwa kuzoiswa mari yezvirimwa zvinenge zvatorwa izvi.

Studio 7 yaenda kuLions Den, imwe yenzvimbo dzinosanganisira Mhangura neMakonde dziri kutorerwa varimi zvirimwa zvavo neGMB.

VaChristopher Musona mumwe murimi atorerwa chibage chinosvika matani gumi neGMB.

VaMusona vatadza kutaura nevatori venhau patorwa chibage chavo asi Vambhuya vavo, Amai Marita Chifamba, vanoti vabayiwa panyama nhete nekutorerwa chibage chose.

Amai Chifamba vachema vachiti hurumende iri kuitira varimi hutsinye nekuvamanikidza kutengesa chibage kuGMB nemari shoma.

Mumwe murimi, VaTinashe Basopo, vanoti kuita kweGMB uku hakuna kunaka uye kunokonzera mhirizhonga pakati pevarimi nevashandi veGMB vari kufamba vachitora chibage chevanhu.

VaBasopo vapika kuti havasi kuzoendesa chibage chavo kuGMB nemari shoma yavari kutenga nayo.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reIntergrated Commercial Farmers Union of Zimbabwe, Amai Maiwepi Jiti vanoti kunyange mutemo uripo panofanirwa kuita kuwirirana pakati pevarimi, GMB nehurumende kuti vaone kuti sei varimi vari kuremerwa nekutengesa chibage kuGMB.

Amai Jiti vanotiwo vari kutora chibage nezvimwe zvirimwa vari kungokumba chibage chevamwe varimi vakayamurwa kurima nemamwe makambani izvo zvichaita kuti varimi vatadze kudzosera zvikwereti vozotorerwa midziyo yavo.

Mutauriri weGMB, VaNixon Nyemba, vanoti havasi kutorera varimi asi makorokoza ari kutenga chibage kuvarimi nemutengo uri pamusoro.

VaNyemba vanoti mutemo unovabvumira kutora chibage chose kubva kune munhu anotenga chibage kuvarimi.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidzawo kuti varimi vakawanda havasi kuendesa chibage chavo kuGMB uko chiri kutengwa nemadhora emunyika zviuru makumi manomwe nezvishanu patani kana kuti madhora makumi mapfumbamwe emari yekuAmerica patani.

Vanotenga vakazvimirira vanonzi vari kubhadhara varimi madhora mazana maviri kusvika pamazana matatu emari yekuAmerica patani vachizotengesa chibage chaho kune vemakambani anogaya upfu nemari iri pamusoro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG